RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/06 pp. 6-7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
km 3/06 pp. 6-7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna March: Govera bhuku idzva raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Edza kutanga kudzidza Bhaibheri nomumwe munhu. April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Paunodzokerazve kuvanhu vanofarira, kusanganisira vaya vanopinda Chirangaridzo uye/kana kuti mimwe misangano yechiKristu asi vasingawadzani neungano nguva dzose, edza kugovera bhuku idzva raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Chinangwa chinofanira kuva chokutanga kudzidza bhuku racho. June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhuku raMufarwa Wemhuri.

◼ Chirangaridzo chichaitwa musi weChitatu, April 12, 2006. Kana ungano yenyu ichiwanzova nemisangano musi weChitatu, iyi inofanira kuchinjirwa kune rimwe zuva revhiki kana Imba yoUmambo isiri kushandiswa. Kana izvi zvisingaiti uye musingakwanisi kuita Musangano wenyu Webasa, hurukuro dzinonyanyoshanda kuungano yenyu dzingabatanidzwa pane mumwe Musangano Webasa.

◼ Ungano dzinofanira kupa vaparidzi magazini achangobuda eNharireyomurindi neAwake! padzinongoagamuchira. Izvi zvichaita kuti vaparidzi vajairane nezviri maari vasati vaagovera mubasa romumunda. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hunofanirawo kupiwa vaparidzi pahunongouya. Vanhu vanogona kuhupiwa kuChidzidzo Chebhuku Cheungano.

◼ Vhidhiyo inonzi Noah—He Walked With God ichakurukurwa pane mumwe Musangano Webasa muna May. Kana muchida, munofanira kuodha vhidhiyo iyi nokuungano nokukurumidza sezvamungagona.

◼ MaBhaibheri eChirungu Ane Butiro Rakapfava Achatanga Kuodhwa Muna March: Mukuwedzera kuBhaibheri reShanduro yeNyika Itsva rine butiro rakasimba uye rakakura sezvakaita ratiinaro, Bhaibheri rine butiro rakapfava rakakura sezvakaita ratiinaro rava kuwanikwa. Kunyange zvazvo Bhaibheri iri richizoitirwa kuti rigoverwe kuvoruzhinji, vaparidzi vangadawo kurishandisa. Kana Bhaibheri rine butiro rakapfava rave kuwanikwa muungano menyu, Bhaibheri rine butiro rakasimba harifaniri kugoverwa kuvoruzhinji. Kunyange zvakadaro, maBhaibheri ane butiro rakasimba acharamba achiwanikwa nevaparidzi vangada kuashandisa. Ungano dzinofanira kuchengeta maBhaibheri ane butiro rakasimba mashomanana chete, nokuti achangoshandiswa nevaparidzi chete kana kuti vaya vanopinda misangano nguva dzose. Tapota onai kuti musati matanga kuodha Bhaibheri rine butiro rakapfava reChirungu, maBhaibheri ane butiro rakasimba anofanira kuramba achishandiswa kusvikira uwandu hweari muungano hwaderera chaizvo. Zvadaro, maBhaibheri ane butiro rakapfava anogona kuodhwa kubva kubazi. (Kuti muwane mamwe mashoko, tapota onai tsamba yakanyorerwa kuungano dzose yaOctober 21, 2005.)

◼ Vanotarisira Mabhuku: Kuti muodhe Bhaibheri reShona rine butiro rakapfava rakakura seratagara tiinaro, shandisai nhamba iyi 5116 uye chiratidzo ichi bi12. (Onai kuti Bhaibheri reShona rinongowanikwa bedzi nderine butiro rakapfava.) Kuti muodhe Bhaibheri reChirungu rine butiro rakasimba rakakura seratagara tiinaro, shandisai nhamba iyi 5112 uye chiratidzo ichi Hbi12. Kuti muodhe Bhaibheri reChirungu rine butiro rakapfava, shandisai nhamba iyi 5116 nechiratidzo ichi bi12.

◼ Hofisi yebazi haiiti odha dzemabhuku dzomuparidzi mumwe. Vaparidzi vanofanira kuodha mabhuku avo nokuungano. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chipiwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano yomwedzi mumwe nomumwe isati yatumirwa kubazi kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota garai muchiziva kuti mabhuku api ari zvinhu zveodha chaiyo, kureva kuti ungano inofanira kungoaodha bedzi kana paine vati vanoada. Mafomu Okuodha Mabhuku (S-14) anofanira kutumirwa nokukurumidza mwedzi woga woga.

◼ Zuva Chairo Remagazini: Uyu uchava musi waApril 8, 2006. Tose tinokurudzirwa kuti titsigire zvizere urongwa uhwu.

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Kutambura Kwose Kuchapera Nokukurumidza! (T-27)—Chirungu, English Braille Grade 2, French, Shona, Spanish, Zulu

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?—Chirungu, English Braille Grade 2, French, Shona, Spanish, Zulu

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? (Mabhii Makuru)—Chirungu, French, Shona, Zulu

MaCompact Disc Matsva Aripo:

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?—Chirungu, French

Makaseti Matsva Aripo:

Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?—Chirungu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe