Watchtower Library Ya2005
◼ Kutanga iye zvino ichave yava kuwanika gore negore. Ichava nemabhuku akabudiswa muna 2005. Uyezve, ichava nezvinhu zvitsva zviviri. Chokutanga rugwaro rwezuva kubva mukabhuku keKunzvera Magwaro Zuva Nezuva uye purogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri. Pose panovhurwa Watchtower Library, chinhu chichatanga kubuda runenge ruri rugwaro rwezuva netsanangudzo dzacho dziri mukabhuku keKunzvera Magwaro. Pazasi pacho panenge paine purogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri yevhiki iyoyo. Chechipiri ndechokukwanisa kuona peji yakafanana yemimwe mitauro kana kuri kuti yakaiswa pakombiyuta yako. Kare waigona kuisa uye kushandisa dziri padzo dzoga purogiramu mbiri kana kupfuura dzeWatchtower Library mumitauro yakasiyana, somuenzaniso Chirungu neSpanish, asi usingagoni kuita kuti kombiyuta ivhure mapeji akafanana panguva imwe chete. Purogiramu iyi itsva ichakubvumira kuitei? Paunenge wakavhura mitauro miviri kana kupfuura papurogiramu ya2005, unogona kutsvaka wovhura mashoko mune mumwe mutauro uye mashoko akafanana obudazve mumimwe mitauro inenge iripo. Izvi zvichabatsira vaya vanenge vachiziva mimwe mitauro inobudiswa Watchtower Library. Kukwanisa kuvhura mapeji akafanana panguva imwe chete kuchangoitwa neWatchtower Library dza2005 chete. Watchtower Library itsva iyi haizoshandi papurogiramu yeWindows 95. Ichangoshanda paWindows 98, Millennium, NT, 2000, XP, kana kuti dzinopfuura ipapa. Ungano dzingatanga kuisa odha dzadzo dzeWatchtower Library—2005, iyo ichapiwa Zvapupu zvaJehovha chete. Ichaonekwa pakanzi zvakamirirwa papepa rokutumira mabhuku kusvikira yava kuwanika.