Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhuku raZivo kana kuti turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here? December: Munhu Mukurusa. Kana kuti, Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, Bhuku Rangu reNhau dzeBhaibheri, kana kuti Kurarama Nokusingaperi kana ungano yenyu inaro. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakadhindwa papepa rinochinja ruvara nokufamba kwenguva kana kuti chero bhuku rakabudiswa 1991 asati asvika. Kana vanasaimba vakaaramba, govera bhurocha raRambai Makarinda! February: Swedera Pedyo naJehovha.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waDecember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana muine imwe akaundi yokubhengi, yakadai seyokugadzirisa imba yoUmambo kana kuti yezvinodiwa zveImba yoUmambo, munofanirawo kuronga kuti akaundi iyi iongororwe. Kana mapedza kuongorora kwacho, ungano inofanira kuziviswa pamushumo weakaunzi unotevera.
◼ Vhidhiyo inonzi Transfusion-Alternative Health Care—Meeting Patient Needs and Rights ichakurukurwa paMusangano Webasa muna January. Kana muchiida, munofanira kuiodha nokuungano nokukurumidza.
◼ Munyori: Kana muparidzi akatamira kune imwe ungano, zvinokosha KUKURUMIDZA kutumira tsamba yokumuzivisa uye kutumira makadhi ose eChinyorwa Chebasa Chomuparidzi (S-21) kuungano itsva. Munyori wokuungano itsva anofanira kukurumidza kukumbira zvinyorwa izvi. Kana munyori wokuungano iri kubva muparidzi wacho agara aine kero yokuungano itsva kuri kuenda muparidzi, haafaniri hake kumirira kuti atange anyorerwa tsamba, asi anogona kutumira makadhi acho nokukurumidza.
◼ Kana mukuru kana mushumiri anoshumira akatamira kune imwe ungano uye dare revakuru vekwaari kubva rikamurumbidza kuti arambe ari mukuru, vanofanira kuva nechokwadi chokuti zita rake rokutanga uye rechipiri akanyorwa zvakazara. MUSASHANDISA MABHII ANOMIRIRIRA MAZITA. Izvi zvinoshandawo kudare idzva revakuru parinonyorera kubazi richirumbidza kugadzwa kwacho.
◼ Vakuru veungano dzine Imba yoUmambo yakavakwa panzvimbo iri kurendwa kuhurumende vanofanira kuva nechokwadi chokuti mari yerendi inobhadharwa kwainofanira kubhadharwa gore roga roga panguva. Dare revakuru reungano imwe neimwe inoshandisa Imba yoUmambo rinofanira kuva nechokwadi chokuti rine magwaro ose epamutemo ane chokuita neimba yavo iyoyo mufaira reungano. Tapota zivisai Dhipatimendi Rokuvaka Dzimba dzoUmambo riri pahofisi yebazi kana mukava nezvinetso zvokuwana magwaro iwaya.