Vakira Upenyu Hwako Pabasa raJehovha
1. Kutsungirira kusvikira pamugumo kunoenderana nechii?
1 Jesu akafananidza vanzwi vake nemarudzi maviri evavaki. Mumwe akavakira mararamiro ake paruware rwokuteerera Kristu uye akakwanisa kushivirira madutu okushorwa nokutambudzwa. Mumwe wacho akavakira pajecha rokusateerera kwoudyire uye haana kukwanisa kushivirira apo miedzo yakauya. (Mat. 7:24-27) Zvatinorarama mumazuva ano okupedzisira emamiriro ezvinhu aripo, tinosangana nemadutu akawanda enjodzi. Makore matema-tema okutambudzika kukuru ari kuungana nokukurumidza pajengachenga. Tichatsungirira kusvika kumugumo kutenda kwedu kusina kumbochinja here? (Mat. 24:3, 13, 21) Zvakawanda zvinoenderana nemavakiro atiri kuita upenyu hwedu iye zvino. Saka, ndezvokukurumidzira kuti tizvibvunze kuti, ‘Ndiri kuvakira zvakasimba upenyu hwangu hwechiKristu pabasa rokuteerera Mwari here?’
2. Tingavakira sei upenyu hwedu pabasa raJehovha?
2 Kuvakira upenyu hwedu pabasa raJehovha kunorevei? Kunoreva kuita kuti Jehovha akoshe zvikuru muupenyu hwedu. Kunosanganisira kuisa pfungwa dzedu paUmambo sechinhu chinonyanya kukosha kwatiri. Kunosanganisira kuteerera Mwari muzvinhu zvose zvatinoita muupenyu hwedu hwezuva nezuva. Zvinoda kuti tidzidze nomwoyo wose somunhu oga, semhuri, uye kudzidza Bhaibheri seungano uye kuita ushumiri hwedu hwomumunda, tichiita izvi zvinhu zvokutanga mupenyu hwedu. (Mup. 12:13; Mat. 6:33) Kuteerera kwakadaro kunoguma nokutenda kwakasimba soruware kusingazoputsiki kunyange kukauya chero dutu ripi zvaro renjodzi.
3. Ipa muenzaniso wemhuri yakawana zvikomborero zvakawanda nokuti yaiisa Umambo pakutanga muupenyu hwayo.
3 Zvinofadza kuona mamiriyoni evanhu achivakira upenyu hwawo netariro yawo yeramangwana pabasa raMwari aine chivimbo, sezvakaita Jesu chaizvo. (Joh. 4:34) Vanoomerera papurogiramu yenguva dzose yemabasa ane chokuita nokunamata uye somugumisiro vanowana zvikomborero zvakawanda. Vamwe amai vakatsanangura kubudirira kwavakaita nomurume wavo kurera vanakomana vavo vaviri kuti vashumire Jehovha, vakati: “Takazadza upenyu hwedu nechokwadi—kuenda kumagungano ose, kugadzirira uye kuenda kumisangano, uye kuita kuti basa redu romumunda rive chinhu chenguva dzose muupenyu hwedu.” Murume wavo akawedzera kuti: “Chokwadi hachisi mamwe emararamiro edu, asi kuti ndiko kurarama kwedu. Zvimwe zvinhu zvose zvinovakirwa pachiri.” Wakaitawo basa raJehovha chinhu chokutanga mumhuri yako here?
4, 5. (a) Misangano yedu yechiKristu inokosha zvakadini? (b) Chii chinodiwa kuti purogiramu yokudzidza uri woga ibudirire?
4 Gadzirai Purogiramu Inoshandisika Yevhiki Nevhiki: Sangano raJehovha rinotibatsira kutevera manamatiro akanaka nokuronga misangano mishanu pavhiki. VaKristu vari kuvakira upenyu hwavo pakunamata Jehovha vanoronga zvimwewo zvinhu zvavo nezvemhuri munzira yokuti vanopinda misangano iyi yose inokosha. Havabvumiri nhau dzisinganyanyi kukosha kuti dzivavhiringidze kupinda kwavanoita nguva dzose.—VaF. 1:10; VaH. 10:25.
5 VaKristu vane ruzivo vanoziva kuti sezvo zvakakosha kudya nguva dzose panguva dzakati zuva roga roga, zvakakoshawo kuronga purogiramu chaiyo yokudzidza vari voga uye semhuri, kusanganisira kugadzirira misangano. (Mat. 4:4) Ungagona kuronga nguva yokudzidza uri woga yeanenge maminitsi 15 kana 20 zuva roga roga here? Chinodiwa kusarega zvimwe zvinhu zvichivhiringidza nguva yakarongerwa kudzidza. Ngaive tsika yako. Izvi zvingada kuti ukurumidze kumuka mangwanani oga oga kupfuura zvauri kuita iye zvino. Chokwadi, kuti ukurumidze kumuka zvinoda kuti urare nguva yakanaka kuti ugozotanga zuva rinotevera wakasimba uye wazorora.
6. (a) Mashoko api angadzidzwa pachidzidzo chemhuri? (b) Ndezvipi zvakanaka zvakabuda mune imwe mhuri yaidzidza pamwe chete nguva dzose?
6 Kana uri musoro wemhuri, ndiwe unofanira kutanga kuronga nokugadzira purogiramu yemhuri yako yebasa rechiKristu. Dzimwe mhuri dzinoverenga Bhaibheri, Yearbook, kana rimwe bhuku pamwe chete padzinenge dzakazorora dzapedza kudya manheru. Vabereki vakawanda vakaona vana vavo vachikura kuva vaKristu vakasimba mune zvokunamata vanotaura kuti chimwe chinhu chakabatsira kuti vabudirire yakanga iri tsika yemhuri yavo yokuronga mamwe manheru vhiki yoga yoga pavaiva nenguva yakanaka mune zvokunamata pamwe chete. Vamwe baba vakadaro vakati: “Ndinofunga kuti kufambira mberi mune zvokunamata kwevana vedu kwaiva zvikurukuru nemhaka yokudzidza semhuri nguva dzose kwataiita musi weChitatu manheru, izvi zvakatanga makore 30 apfuura.” Vana vavo vose vatatu vakabhabhatidzwa vari vaduku, uye vose vari vatatu vakazopinda muushumiri hwenguva yakazara. Kuwedzera kuchidzidzo chemhuri, mharidzo dzebasa romumunda kana hurukuro dzepamisangano zvinogona kudzidzirwa, uye zvimwe zvinhu zvinovaka zvinogona kuitwa muri pamwe chete.
7. Mazano api apiwa okuti nguva iwanike mupurogiramu yedu ine zvizhinji kuti tiitewo basa roushumiri nguva dzose?
7 Mupurogiramu yako yevhiki nevhiki, waka‘tenga nguva’ yokuparidza Umambo here? (VaK. 4:5) Vakawanda vedu tine zvakawanda zvokuita muupenyu, sezvo tiine mabasa emhuri neeungano okuita. Kana tikasanyatsoita zvirongwa chaizvo zvokuitawo basa rokuparidza nokudzidzisa vhiki yoga yoga, zvichava nyore zvikuru kuti zvimwe zvinhu zvititadzise kuwana mukana wokuita basa iri rinokosha. Mumwe mukuru wechiKristu anoona kuti kuva nepurogiramu chaiyo yokuparidza kunomuita kuti ave neavhareji yemaawa 15 pamwedzi mubasa rokuparidzira. Kana aine zvimwe zvokuita musi woMugovera, anoronga kuzviita abva kubasa rake romumunda mangwanani. Iwe nemhuri yako mungaronga here rinenge zuva rimwe zvaro vhiki yoga yoga rokuita basa romumunda, muchiita kuti izvi zvive mamwe emararamiro enyu pakunamata?—VaF. 3:16.
8. Chii chichatibatsira kuti tiomerere papurogiramu yedu ine chokuita nokunamata pasinei zvapo nezvipingamupinyi zvingamuka?
8 Ongorora Mararamiro Ako: Pane zvinhu zvinorwisana nokuvakira upenyu hwedu pabasa raJehovha. Zvinhu zvatisingafanooni zvingadzongonyedza purogiramu yedu yakanyatsorongwa yokudzidza, yemisangano, uye youshumiri. Uye Muvengi wedu, Satani, achaita zvose zvaanogona kuti ‘atipinganidze’ ovhiringidza zvatakaronga. (1 VaT. 2:18; VaEf. 6:12, 13) Usabvumire zvipingamupinyi izvi kuti zvikuodze mwoyo, worega. Gadziridza zvose zvinodiwa kuti uite basa rako rakarongwa rine chokuita nokunamata. Kutsunga nokushingirira zvinodiwa kuti uite chimwe chinhu chinonyatsobatsira.
9, 10. Chii chingaratidza kuti tiri kubvumira mabasa asiri echiKristu kuti atitorere nguva yakawanda zvikuru uye chii chingaitwa kuti zvigadziriswe?
9 Hatifaniri kubvumira kuti zvinofurira zvenyika uye kufurira kwenyama yedu isina kukwana kupinze mabasa asinei chokuita nokunamata ayo angatanga kutora nguva yedu yakawanda uye zvatinoita. Kuzviongorora kunodiwa, uchishandisa mibvunzo yakaita seiyi: ‘Mararamiro angu azova asina kudzikama zvishoma nezvishoma kana kuti zvinoita sokuti abuda mugwara here? Ndakatanga kuvakira upenyu hwangu pazvinhu zviri munyika ino zviri kupfuura here? (1 Joh. 2:15-17) Ndinopedzera nguva yakawanda zvakadini pazvinhu zvokuzvifadza, kuvhakacha, mitambo, kana dzimwe varaidzo—kusanganisira kuona terevhizheni kana kuti kutarira zviri paIndaneti—kana ndichizvienzanisa nenguva yandinopedzera pazvinhu zvine chokuita nokunamata?’
10 Kana ukaona kuti upenyu hwako hwazara nezvinhu zvisingakoshi, chii chinofanira kuitwa? Sezvakaita Pauro uyo akanyengeterera hama dzake kuti ‘dziruramiswe,’ kana kuti ‘kunyatsowiriraniswa,’ tadini kuteterera Jehovha kuti atibatsire kukoshesazve basa rake? (2 VaK. 13:9, 11, Ref., mashoko omuzasi) Ipapo tsunga kurarama maererano nezvawasarudza uye gadziridza zvinoda kugadziriswa. (1 VaK. 9:26, 27) Jehovha achakubatsira kuti usatsaukire kurudyi kana kuruboshwe pabasa rokumuteerera.—Enzanisa naIsaya 30:20, 21.
11. Inzira ipi inonyanya kubatsira yokurarama nayo upenyu hwako uye nei?
11 Ramba Uine Zvizhinji Zvokuita Mubasa raMwari Rinofadza: Mamiriyoni evanhu anotamburira kutsvaka mufaro achizongoona chete kuti mugumo woupenyu zvaunoswedera pedyo, zvinhu zvokunyama zvaakatsvaka hazvina kuaunzira mufaro usingagumi. Kwaiva “kudzingana nemhepo bedzi.” (Mup. 2:11) Asi, upenyu hwedu pahunoramba huri pana Jehovha, ‘tichimuisa pamberi pedu nguva dzose,’ tinogutsikana zvikuru. (Pis. 16:8, 11) Izvi zvakadaro nokuti Jehovha ndiye akaita kuti tivepo. (Zvak. 4:11) Pasina iye, Muiti Wezvinangwa Mukuru, upenyu hahuna zvahunoreva. Kushumira Jehovha kunozadza upenyu hwedu nebasa rinokosha, rine chinangwa rinobatsira isu pamwe nevamwe munzira inogara nokusingaperi, hungu, munzira isingagumi.
12. Tinodzidzei kuvanhu vomuzuva raNoa?
12 Zvinokosha kuti tisagutsikane nezvatiri ndokurasikirwa nepfungwa yedu yokukurumidzira pamusoro pomugumo wenyika yaSatani uri kukurumidza kusvika. Kurarama kwedu kwezuva nezuva kunobva pamaonero atinoita nguva yemberi. Vanhu vomuzuva raNoa, vasina kudavira kuti kwaizova neboporodzi renyika yose, ‘havana kuziva,’ vachivakira upenyu hwavo hwezuva nezuva pamabasa avo—kudya, kunwa, uye kuroora nokuroorwa—kusvikira mafashamo a“vakukura vose.” (Mat. 24:37-39) Nhasi, vaya vanovakira upenyu hwavo pazvinhu zvenyika ino vachaona zvavanotarisira zvenguva yemberi zvichiparara mukuparadza kukuru kusati kwamboonekwa navanhu, “zuva raJehovha.”—2 Pet. 3:10-12.
13. Zvikomborero zvipi zvatinowana kana tikavakira upenyu hwedu pabasa raJehovha?
13 Saka ramba uchivakira upenyu hwako pana Mwari mupenyu, Jehovha, uye pakuita zvaanoda. Hapana basa raungaita muupenyu huno rine Mutsigiri akavimbika zvakadaro akaita saJehovha. Haarevi nhema—zvaakavimbisa zvichava zvechokwadi. (Tito 1:2) Haafi—hapana chinoiswa kuna Jehovha chinorasika.—Hab. 1:12; 2 Tim. 1:12.