RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/05 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 7/05 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 rakakodzera. September: Swedera Pedyo naJehovha. Kana rikasagamuchirwa, ratidza bhurocha raRambai Makarinda! October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira, tapota varatidze bhurocha raAnodei.

◼ Kutanga muna September, vatariri vematunhu vachapa hurukuro yavose inoti “Nei Uchifanira Kutungamirirwa neBhaibheri?”

◼ Zvinokurudzirwa kuti mafomu ebasa roupiyona hwenguva dzose atumirwe kuhofisi yebazi anenge mazuva 30 musi wokutanga basa usati wasvika. Munyori weungano anofanira kuongorora mafomu acho kuti ave nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana. Kana vari kukumbira vasisayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira musi wacho vobva vachengeta musi iwoyo. Munyori anofanira kunyora musi uyu pakadhi reChinyorwa cheBasa choMuparidzi (S-21).

◼ Vanyori veungano vanofanira kuva nechokwadi chokuti vane fomu reTsamba yokugadzwa kwaPiyona (S-202) yapiyona wenguva dzose mumwe nomumwe ari muungano. Kana vasina, tapota nyorerai kuhofisi yebazi.

◼ Ungano dzinofanira kuodha mafomu akakwana egore rebasa ra2006 neodha dzadzo dzemabhuku aJuly. Zvinhu zvinotevera hazvifaniri kuodhwa nokuti zvichange zviri pamwe chete nemafomu eungano egore negore: Mushumo Weungano (S-1), Hamvuropu Dzemakadhi Emishumo (rce), Fomu Rokutumira Mari Yemipiro (S-20), Chinyorwa cheBasa choMuparidzi (S-21), Mushumo Wokuongorora Akaunzi Dzeungano (S-25), Pepa Reakaunzi (S-26) uye Mushumo Weakaunzi Dzeungano Womwedzi Nomwedzi (S-30). Tapota shandisai mafomu ose noungwaru. Anofanira kungoshandisirwa bedzi basa rawo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe