Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna April naMay: Nharireyomurindi neAwake! Paunodzokerazve kuvanhu vanofarira, kusanganisira vaya vakapinda Chirangaridzo uye/kana kuti mimwe misangano asi vasingasonganiri neungano, edza kugovera bhuku raNamata Mwari. Chinangwa chacho ndechokutanga chidzidzo cheBhaibheri, kunyanya nevanhu vakatodzidza bhurocha raAnodei uye bhuku raZivo. June: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, uye kana vanhu vacho vakati havana vana, govera bhurocha raAnodei. Edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. July naAugust: Chero bhurocha rakakodzera rine mapeji 32. September: Bhuku raSwedera. Kana vanasaimba vakasatora bhuku racho, vagovere bhurocha raRambai Makarinda! October: Nharireyomurindi neAwake! Kana vanhu vakafarira, varatidze bhurocha raAnodei. November: Dzidza Kumudzidzisi Mukuru. Kana vanhu vakati havana vana, govera bhuku raZivo kana kuti turakiti raUngada Kuziva Zvakawanda NezveBhaibheri Here?
◼ Kutanga muna April, ungano dzinofanira kuodha mabheji ekokorodzano yoruwa ya2005 paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Zvibatiso zvepurasitiki zvinofanira kuodherwa vanenge vachizvida muungano.
◼ Zvakafanira kuti hofisi yebazi igare nekero nenhamba dzorunhare zvevatariri vanotungamirira nevanyori vose zvinenge zvichishanda panguva iyoyo. Pose pazvinochinja, Dare Rebasa Reungano rinofanira kuzadza, rosaina, uye rokurumidza kutumira fomu rinonzi Kuchinja Kwekero yoMutariri Anotungamirira/yoMunyori (S-29) kuhofisi yebazi. Izvi zvinosanganisira kuchinja kwearea code dzorunhare.
◼ Vanyori vanofanira kuchengeta mafomu akakwana anoti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) neFomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b). Aya anogona kuodhwa paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Chengetai anenge anokwana gore rose. Ongororai mafomu ose okukumbira basa roupiyona hwenguva dzose kuti muve nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai! a2004. Achawanika muChirungu. Mabhaundi vhoriyamu aya achaoneka papepa remabhuku eungano atumirwa pakanzi “Zvakamirirwa.” Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.
◼ MaMP3 Matsva Aripo: New World Translation of the Holy Scriptures—MP3—Chirungu