RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/05 pp. 3-5
  • Mwaka weChirangaridzo—Nguva Yebasa Rakawedzera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwaka weChirangaridzo—Nguva Yebasa Rakawedzera
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • Tichazviita Zvekare Here? Kumwe Kukumbira Mapiyona Ebetsero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Marudungwe Apiyona Webetsero
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • ‘Pupurira Kwazvo Mashoko Akanaka’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 2/05 pp. 3-5

Mwaka weChirangaridzo—Nguva Yebasa Rakawedzera

1. “Mitambo yakatarwa” yaibatsira chii kuvaIsraeri vaitya Mwari?

1 Panguva dzakasarudzwa mukati megore, vaIsraeri vekare vaichengeta “mitambo yakatarwa naJehovha.” (Revh. 23:2) Kuva nenguva yokufungisisa nezvokunaka kwaMwari wavo kwakaguma nokufara zvikuru uye zvakaita kuti vashingairire kunamata kwakachena.—2 Mak. 30:21–31:2.

2, 3. Nei zvakakodzera kuti tiwedzere basa redu rezvokunamata mumwaka weChirangaridzo, uye tichachengeta Chirangaridzo rini?

2 Mazuva ano, basa rinofadza rechiKristu rinoitwa zvikuru mumwaka weChirangaridzo gore negore. Inguva yatinofungisisa chipo chaJehovha chinokosha chaakatipa—Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi. (Joh. 3:16; 1 Pet. 1:18, 19) Sezvatinofungisisa rudo rwakaratidzwa naMwari noMwanakomana wake, tinonzwa tichida kurumbidza Jehovha uye kushanda zvakaoma mukuita zvaanoda.—2 VaK. 5:14, 15.

3 Gore rino Kudya kwaShe Kwemanheru kuchachengetwa musi weChina, March 24, zuva ranyura. Tingawedzera sei zvatinoita muushumiri mumwedzi yaMarch, April, naMay?

4, 5. (a) Chii chakabatsira vamwe kukurukura mashoko akanaka nevanhu vakawanda? (b) Chii chawakawana chichishanda munharaunda yenyu?

4 Kukurukura Nevanhu Vakawanda: Tsvaka nzira dzokukurukura nevanhu vakawanda sezvingabvira paunoita ushumiri hwomumunda. Ungaronga here kuti ushande paimba neimba apo vanhu vakawanda vanenge vari pamba, sepakudeuka kwezuva kana kuti manheru? Kana vamwe vomuboka rechidzidzo chebhuku chenyu vachida kuita ushumiri musati matanga kudzidza, mutariri wechidzidzo chebhuku angaronga kuti pave nomusangano webasa mupfupi kuti mushande ndima iri pedyo.

5 Imwe nzira yokukurukura nevanhu vakawanda ndeyokuparidza munzvimbo dzinowanika vanhu vazhinji. Imwe hanzvadzi muJapan yaida kuita upiyona hwebetsero kunyange zvazvo yaiswera kubasa. Mumwe mukuru akaikurudzira kuti zuva roga roga isati yaenda kubasa rayo, yaigona kupupurira pamugwagwa pedyo nechiteshi chezvitima. Yakurira kunyara kwayo uye kusekwa nevamwewo vanofamba nechitima, yakava nevanhu 40 vayaigara ichiendesera magazini, kusanganisira vayaifamba navo muchitima, vashandi vepachiteshi, uye varidzi vezvitoro zviri pedyo. Paavhareji yakagovera magazini 235 pamwedzi. Nokutaura nevanhu pfungwa dzomuMagwaro kwekanguva zuva roga roga, yakagona kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvitanhatu.

6. Pwere dzingawedzera sei basa radzo rezvokunamata?

6 Mikana Yokupupurira: Vaparidzi vakawanda vachiri kuenda kuchikoro vane mazororo mukati megore. Aya angava mikana yokuita upiyona hwebetsero. Uyewo, pwere dzechiKristu dzingawedzera basa radzo nokupupurira kuchikoro. Ungashamisika kuti vaunodzidza navo vangada kuziva zvaunotenda. Wadii kushandisa mukana wokukurukurirana mukirasi kana kuti werondedzero dzinonyorwa mukirasi kuti upupurire? Vamwe vakagona kuita kudaro vachishandisa mavhidhiyo edu. Vamwe vakatanga zvidzidzo zveBhaibheri nevavanodzidza navo ndokuvabatsira kufambira mberi kuti vazvitsaurire nokubhabhatidzwa. Idzi inzira dzakanaka dzoku‘rumbidza zita raJehovha.’—Pis. 148:12, 13.

7. (a) Imwe hama yakashandisa sei mikana yokupupurira vamwe? (b) Wakavawo nechinoitika chakafanana here?

7 Pane zvaunoita zuva roga roga, tsvaka mikana yokutaura nevanhu nezvaMwari wedu anoshamisa uye zvipikirwa zvake zvinofadza. Imwe hama inofamba nezvitima zvimwe chete zuva roga roga inopupurira vainofamba navo pazvinenge zvakakodzera. Somuenzaniso, payaimirira chitima chaizotevera, yaipupurira rimwe jaya mazuva ose kwemaminitsi mashanu. Somugumisiro, jaya racho neshamwari yaro vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Chidzidzo cheBhaibheri chacho chaiitwa pavaifamba nechitima. Imwe nguva, vamwe ambuya vakanga vachiteerera kukurukurirana kwavo vakazokumbirawo kudzidza Bhaibheri. Naivowo vari kunakidzwa nechidzidzo chavo pamazuva avanokwira chitima. Nenzira iyi, hama yacho yakadzidza nevanhu gumi vakasiyana-siyana muchitima.

8. Ndezvipi zvingaitwa nevaya vanotadza kuita zvakawanda pamusana pokukwegura kana kuti vane zvinetso zvoutano kuti vawedzere zvavanoita muushumiri?

8 Zvakadini kana uchitadza kuita zvakawanda pamusana pokukwegura kana kuti zvinetso zvoutano? Pangava nedzimwe nzira dzaungawedzera nadzo kurumbidza Jehovha. Wati wamboedza kupupurira norunhare here? Kana usinganyatsozivi kuti ungazviita sei, udza mutariri wako wechidzidzo chebhuku. Angagona kuronga kuti vaparidzi vanoshandisa nzira iyi vashande newe. Sezvamunoshanda pamwe chete, munogona kudzidzisana uye kubatsirana kuti mupupurire zvinobudirira. Mazano anoshanda pakupupurira norunhare anogona kuwanika muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary 2001, mapeji 5-6.

9. Tingabatsira sei vadzidzi veBhaibheri kuti vazokwanisa kubuda neungano muushumiri hwepachena?

9 Kupinda Chirangaridzo kungaita kuti vatsva vade kuwedzera kurumbidza Jehovha. Unogona kuvabatsira kuti varege kuzengurira pakuita basa rokuparidza nokuvaudza zvinoitika zvinofadza zvomubasa romumunda uye nokuvadzidzisa zvishoma nezvishoma kutsanangura dzidziso dzeBhaibheri vodzivirira kutenda kwavo. (1 Pet. 3:15) Kana mudzidzi weBhaibheri akati anoda kutanga kuzivisa mashoko akanaka, taura nomutariri anotungamirira. Acharonga musangano unoitwa nomudzidzi wacho kuti zvionekwe kana zvichiita kuti achibuda neungano muushumiri hwepachena. Izvi zvinofadza mwoyo waJehovha paanoona vatsva vachisarudza kumutsigira panhau youchangamire!—Zvir. 27:11.

10. (a) Purogiramu yakanaka ingatibatsira sei kuita upiyona hwebetsero? (b) Gore rapera wakakwanisa here kuronga kuti uve piyona webetsero mumwaka weChirangaridzo? Wakazviita sei?

10 Ungaita Upiyona Hwebetsero Here? Kusvitsa maawa 50 anodiwa oupiyona hwebetsero kunofanira kukosheswa chaizvo. (Mat. 5:37) Izvi zvinoreva kuti uchada kuronga kushanda avhareji yemaawa 12 mubasa romumunda vhiki imwe neimwe. Mumwe wemienzaniso yepurogiramu youpiyona hwebetsero iri papeji 5 unoenderana nemamiriro ako ezvinhu here? Kana zvisina kudaro, unogona here kuronga purogiramu ichaita kuti uite upiyona hwebetsero muna March, April, kana May? Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuwedzera basa rako roushumiri.—Zvir. 16:3.

11. Vakuru nevashumiri vanoshumira vangatsigira sei vaya vachave vari mapiyona ebetsero?

11 Vakuru nevashumiri vanoshumira vachatsigira zvizere kuedza kwaunoita kuti mwaka uno weChirangaridzo urumbidzewo Jehovha. Vakawanda vavo vangangova mapiyona ebetsero. Vakuru vacharonga kuti pave nemisangano yebasa romumunda yokuwedzera, yakadai sepakudeuka kwezuva, manheru omukati mevhiki, uye pakupera kwevhiki, sezvingadiwa. Kuti vasarudze nguva nokuchaitirwa misangano uye kuti ndiani anenge aripo kuti azotungamirira, vakuru vangataura nevaya vane zvirongwa chaizvo zvokupayona kana kuti vari kufunga kudaro. Vakuru vachaedza kuronga kuti pazova nevamwe vaparidzi vokushanda navo pamazuva nenguva zvamunenge matsaura nokuda kwebasa. Nenzira iyi, zvinhu zvinogona kunyatsorongwa uye zvakanaka zvakawanda zvinogona kuitwa.—Zvir. 20:18.

12. Chii chinoita kuti tirumbidze Jehovha nguva dzose?

12 Ita Nepaunogona Napo: Kana mamiriro ako ezvinhu asingaiti kuti uite upiyona hwebetsero, yeuka kuti Jehovha anogamuchira zvatinoedza kuita uye kurega zvimwe zvinhu kwatinoita ‘maererano nezvatinazvo, kwete maererano nezvatisina.’ (2 VaK. 8:12) Tine zvakawanda kwazvo zvokuonga Jehovha. Nechikonzero chakanaka Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndicharumbidza Jehovha nguva dzose; rumbidzo yake ichagara mumuromo mangu.” (Pis. 34:1) Ngatitsungei kuita izvozvo mumwaka uno weChirangaridzo.

[Bhokisi riri papeji 3]

Uchawedzera Sei Basa Rako?

◼ Paridza apo vanhu vanenge vari pamba

◼ Pupurira munzvimbo dzinowanikwa vanhu vazhinji

◼ Pupurira kubasa kana kuchikoro

◼ Pupurira norunhare

◼ Shanda sapiyona webetsero

[Chati iri papeji 5]

Mienzaniso Yepurogiramu Youpiyona Hwebetsero​—Nzira Dzokuronga Maawa 12 Ebasa Romumunda Vhiki Yoga Yoga

Mangwanani​—⁠Muvhuro Kusvika Mugovera

Svondo ingatsiviwa nerimwe zuva chero ripi zvaro.

Zuva Nguva Maawa

Muvhuro Mangwanani 2

Chipiri Mangwanani 2

Chitatu Mangwanani 2

China Mangwanani 2

Chishanu Mangwanani 2

Mugovera Mangwanani 2

Maawa Ose: 12

Mazuva Maviri Akazara

Chero mazuva maviri evhiki angasarudzwa. (Zvichienderana nemazuva asarudzwa, purogiramu iyi ingaita maawa 48 chete pamwedzi wacho.)

Zuva Nguva Maawa

Chitatu Zuva Rose 6

Mugovera Zuva Rose 6

Maawa Ose: 12

Manheru Maviri Nokupera Kwevhiki

Chero manheru maviri api zvawo epakati pevhiki angasarudzwa.

Zuva Nguva Maawa

Muvhuro Manheru 1 1⁄2

Chitatu Manheru 1 1⁄2

Mugovera Zuva Rose 6

Svondo Hafu Yezuva 3

Maawa Ose: 12

Masikati Matatu uye Mugovera

Svondo ingatsiviwa nerimwe zuva chero ripi zvaro.

Zuva Nguva Maawa

Muvhuro Masikati 2

Chitatu Masikati 2

Chishanu Masikati 2

Mugovera Zuva Rose 6

Maawa Ose: 12

Purogiramu Yangu Youshumiri

Sarudza maawa aunoda panguva imwe neimwe.

Zuva Nguva Maawa

Muvhuro

Chipiri

Chitatu

China

Chishanu

Mugovera

Svondo

Maawa Ose: 12

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe