Edza Kuchinja-chinja Nzira Yaunotanga Nayo Mharidzo
Kufarira vanhu nomwoyo wose kuchaita kuti tiedze kunzwisisa zvavanoda tovaratidza kuti Umambo huchagadzirisa sei zvachose zvinetso zvavanosangana nazvo. (VaF. 2:4) Nzira yokutanga nayo mharidzo inoonekwa nevaparidzi vakawanda kuti inobudirira ndeyokukumbira saimba kuti ataure zvaanofunga nezvemifananidzo yeParadhiso iri mumabhuku edu, akadai seayo akarongwa pachikamu chokurudyi kwepeji ino. Ungaita izvi uchishandisa imwe yesumo dzinotevera:
◼ “Munofunga kuti tichazombofa takaona vanhu vari mumamiriro ezvinhu anoratidzwa pano here?”
◼ “Tose zvedu tingada kuti vana vedu vavewo munyika yakadai seinoratidzwa pano. Munofunga kuti zvingada chii kuti izvi zviitike?”
◼ “Uyu mufananidzo wezvichange zvakaita pasi kana kuda kwaMwari kwava kuitika pasi pano sokudenga. Munoona chimwe chinhu chakasiyana noupenyu hwanhasi here?”
◼ “Mungada kugara mumamiriro ezvinhu anoratidzwa pano here? [Rega apindure.] Munofunga kuti izvi zvichaitika muupenyu hwedu here?”
Nyatsoteerera mhinduro yomunhu wacho, uye nomutsa, ita kuti ataure zvaanofunga nokumubvunza mubvunzo mumwe wokuwedzera kana kuti miviri. Kana vamwe vakapindura kuti havangadi kugara mumamiriro ezvinhu ari pamufananidzo wacho, kana kuti havadaviri kuti zvinhu zvakadaro zvinogona kuitika, usakurumidza kugumisa kuti havafariri. Vabvunze nokungwarira kuti nei vachifunga saizvozvo. Mashoko avo angabudisa kunetseka kukuru pamusoro pezvinetso zviri kusangana nevanhu zvinoita sezvisingagadzirisiki.—Ezek. 9:4.
Sezvaunonzwisisa zvinonetsa saimba, chinja mharidzo yako zvinoenderana. Taura shoko roUmambo rinonyanya kunanga pane zvaanoda. Muratidze rugwaro rumwe kana kuti maviri anotaura nezvenyaya inomunetsa. (Ona mazano ari pachikamu chiri kurudyi.) Rega azvionere zvinotaurwa neShoko raMwari. Kana akaratidza kuti anofarira, mugovere bhuku racho uye ronga kudzokazve. Ramba uchiita kuti awedzere kufarira kwake pakukurukurirana kwokutanga.
[Bhokisi riri papeji 6]
Mienzaniso Yemifananidzo yeParadhiso
Bhuku raCreation: mapeji 237, 243, 251
Bhuku raMudzidzisi: mapeji 251-4
Bhuku raZivo: mapeji 4-5, 188-9
Bhurocha raAnodei: mapeji 11, 13
Bhuku raRugare Rwechokwadi: peji 98
Bhuku raNamata Mwari: mapeji 92-3
[Bhokisi riri papeji 6]
Nyaya Dzinonetsa Vanhu
Dzimba, zvinetso zvemari
Hondo, ugandanga
Hurumende isingabudiriri
Kuparadzwa kwepasi
Kuparara kwetsika
Kuperevedza kwezvokudya, kushayiwa zvokudya zvinovaka muviri
Kusabatwa zvakanaka kwemhuka
Kuora mwoyo
Rufu, kuchema
Rusaruro, kusaenzana
Uori, kusaruramisira
Urombo, kudzvinyirirwa
Urwere, urema
Utsotsi, chisimba