RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/05 p. 1
  • “Akarerwa Nemashoko Okutenda”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Akarerwa Nemashoko Okutenda”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Mashoko Akafanana
  • “Akashongedzerwa Zvakakwana Nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Misangano Inobatsira Vechiduku
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Unodya Zvakanaka Mumudzimu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • “Anopa Munhu Akaneta Simba”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
km 1/05 p. 1

“Akarerwa Nemashoko Okutenda”

1 Kurarama upenyu hwokuzvipira kuna Mwari kunoda kushanda nesimba. (1 Tim. 4:7-10) Nesimba redu pachedu, tingakurumidza kuneta uye tingagumburwa patinenge tichiedza kurarama upenyu hwakadaro. (Isa. 40:29-31) Imwe nzira yatingawana nayo simba kuna Jehovha ndeyoku“rerwa nemashoko okutenda.”—1 Tim. 4:6.

2 Mafashafasha Ezvokudya Zvomudzimu: Jehovha anopa mafashafasha ezvokudya zvomudzimu achishandisa Shoko rake uye “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45) Tiri kuita zvatinogona here kuti tibatsirwe nazvo? Tinoverenga Bhaibheri zuva rimwe nerimwe here? Tine nguva yatakatsaura yokudzidza toga uye yokufungisisa here? (Pis. 1:2, 3) Zvokudya zvomudzimu zvakadaro zvine utano zvinotisimbisa uye zvinotidzivirira pazvinhu zvinopedza simba zvenyika yaSatani. (1 Joh. 5:19) Kana tikazadza pfungwa dzedu nezvinhu zvakanaka uye tikazvishandisa muupenyu hwedu, Jehovha achava nesu.—VaF. 4:8, 9.

3 Jehovha anotisimbisawo achishandisa misangano yeungano. (VaH. 10:24, 25) Mirayiridzo yezvokunamata uye ushamwari hwakanaka zvinowanikwa pakuungana uku zvinotisimbisa kuti timire takasimba pasinei nemiedzo. (1 Pet. 5:9, 10) Imwe pwere yechiKristu yakati: “Ndinoenda kuchikoro muswere wose wezuva, uye zvinondinetesa. Asi misangano yakaita sechisipiti chiri mugwenga, kwandinowanazve simba rokuti ndizokwanisa kuenda kuchikoro zuva rinotevera.” Zvechokwadi tinokomborerwa nokuedza kwatinoita kuti tipinde misangano!

4 Kuzivisa Chokwadi: Kuparidzira vamwe kwakanga kwakaita sezvokudya kuna Jesu. Kwaimusimbisa. (Joh. 4:32-34) Saizvozvowo, patinotaura nevamwe nezvezvipikirwa zvaMwari zvakaisvonaka, tinonzwa tasimbiswa. Kubatikana muushumiri kunoita kuti mwoyo wedu nepfungwa zvirambe zvichifunga nezvoUmambo uye zvikomborero zvichakurumidza kuuya. Izvozvo zvinotizorodza zvechokwadi.—Mat. 11:28-30.

5 Tine ropafadzo yakazokura yokubatsirwa nemafashafasha ezvokudya zvomudzimu izvo Jehovha ari kupa vanhu vake nhasi! Ngatirambei tichishevedzera nomufaro kuti arumbidzwe.—Isa. 65:13, 14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe