Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri vhiki inotanga naAugust 30, 2004. Mutariri wechikoro achaitisa kudzokorora kwemaminitsi 30 kunobva pane zvakadzidzwa muhurukuro dzevhiki yaJuly 5 kusvika kune yaAugust 30, 2004. [Ona kuti: Panenge pasina kuratidzwa bhuku rinobva mashoko acho pamberi pomubvunzo, uchafanira kutsvakurudza woga kuti uwane mhinduro dzacho.—Ona Chikoro Choushumiri, map. 36-7.]
UNYANZVI HWOKUTAURA
1. Tingatsanangura sei chikonzero chetariro yedu “nounyoro noruremekedzo rukuru.” (1 Pet. 3:15) [be-CA p. 192 ndima 2-4]
2. Nei zvichikosha kuti titaure nechivimbo? (VaR. 8:38, 39; 1 VaT. 1:5; 1 Pet. 5:12) [be-CA p. 194]
3. Kuva nechivimbo kunoratidzwa sei? [be-CA p. 195 ndima 3–p. 196 ndima 4]
4. Kuchenjerera kudini, nei kuchikosha, uye tingava sei vanochenjerera asi takatsiga? (VaR. 12:18) [be-CA p. 197]
5. Munhu anochenjerera angafungei asati ataura? (Zvir. 25:11; Joh. 16:12) [be-CA p. 199]
HURUKURO NHA. 1
6. Kukurukurirana kwedu uye tsika dzedu dzokudzidza Bhaibheri zvinoratidza sei mwero wokufambira mberi kwataita muchokwadi? [be-CA p. 74 ndima 3–p. 75 ndima 2]
7. Chii chinorehwa noku“zvitengera nguva yakafanira,” uye tingazviita sei? (VaEf. 5:16) [w02-CA 11/15 p. 23]
8. Magwaro anojekesa sei kuti vanhu vose vakaenzana kuna Mwari, uye izvi zvinei chokuita noUshumiri hwedu? [w02-CA 1/1 map. 5, 7]
9. Chii chinorehwa nezita roMusiki iro rakasiyana nemamwe, Jehovha? [w02-CA 1/15 p. 5]
10. Chii chakaita kuti chibayiro chaAbheri ‘chikoshe kupfuura’ chaKaini, uye tinodzidzei pane izvi maererano ne“chibayiro [chedu] chokurumbidza”? (VaH. 11:4; 13:15) [w02-CA 1/15 p. 21 ndima 6–p. 22 ndima 1]
KUVERENGA BHAIBHERI VHIKI NEVHIKI
11. Revhitiko 18:3 ingatibatsira sei kuti tirege kuva nepfungwa yakaipa yezvinhu zvakanaka nezvakaipa? (VaEf. 4:17-19) [w02-CA 2/1 p. 29]
12. Nenzira youprofita, chii chairatidzirwa ne“zvingwa zviviri” zvaipiwa nomupristi mukuru se‘chinopiwa chinozunguzirwa’ paMutambo Wemavhiki (Pendekosti)? (Revh. 23:15-17) [w98-CA 3/1 p. 13 ndima 21]
13. Pachiitiko choupombwe chakadai sechiya chiri pana Numeri chitsauko 5, ‘chidya chomukadzi aiva nemhosva chaitetepa’ mupfungwa ipi? (Num. 5:27) [w84 4/15 p. 29; w85-CA 5/1 p. 8]
14. Nei Miriami naAroni vakapopotera Mosesi nokuda kwomudzimai wake muKushi? (Num. 12:1)
15. Chii chaiva “bhuku yeHondo dzaJehovha”? (Num. 21:14)