RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/04 p. 1
  • Tevedzera Kururamisira kwaJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevedzera Kururamisira kwaJehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Tevedzera Jehovha—Shandisa Ruramisiro Nokururama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Ruramisiro Yechokwadi Nokururama—Zvinobva Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Jehovha Anoda Kururama Neruramisiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • “Nzira Dzake Dzese Dzakarurama”
    Swedera Pedyo naJehovha
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 7/04 p. 1

Tevedzera Kururamisira kwaJehovha

1 “Jehovha unoda zvakarurama.” (Pis. 37:28) Saka, kunyange zvazvo akarayira kuti nyika ino isina kururama iparadzwe, akaronga kuti nyevero itange kupiwa. (Mako 13:10) Izvi zvinopa vanhu mukana wokupfidza ndokuponeswa. (2 Pet. 3:9) Tinoedza kutevedzera kururamisira kwaJehovha here? Nhamo nokutambura kwemhuri yevanhu zvinoita kuti tiudze vamwe tariro yoUmambo here? (Zvir. 3:27) Kuda kururamisira kuchaita kuti tishingaire kwazvo mukuparidza.

2 Paridza Usingasaruri: Nokuzivisa chinangwa chaMwari kumunhu wose tisingasaruri, tino‘ita nokururamisira.’ (Mika 6:8) Hatifaniri kuda kutonga vamwe nemhaka yezvavari patinovatarisa. (Jak. 2:1-4, 9) Jehovha “anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Shoko raMwari rechokwadi ringaita kuti vanhu vachinje zvinoshamisa muupenyu hwavo. (VaH. 4:12) Kuziva chokwadi ichi kungaita kuti tiende kune vanhu tiine chivimbo, kunyange vaya vakamboramba kuteerera munguva yakapfuura.

3 Imwe hanzvadzi inoshanda mune chimwe chitoro yakambotityiswei nechitarisiko chomumwe mutengi wenguva dzose. Kunyange zvakadaro, nguva yakakodzera payakasvika, yakaedza kumupupurira nezveParadhiso yaMwari yakapikirwa. Akamujinyura achiti akanga asingatendi ngano uye kuti akanga ari muhippie—boka revanhu vanoda kuzviraramira murunyararo asi vachishandisa zvinodhaka. Asi haina kurega. Rimwe zuva murume uyu akabvunza hanzvadzi iyi zvayaifunga nezvebvudzi rake refu, saka yakatsanangura nokungwarira zvinotaura Bhaibheri nezvenyaya yacho. (1 VaK. 11:14) Yakashamiswa zvikuru kuti zuva rakatevera, akanga agusa ndebvu dzake uye agera bvudzi rake zvakanaka-naka! Akakumbira kudzidza Bhaibheri, uye imwe hama yakafara kudzidza naye, uye akafambira mberi ndokuzvitsaurira achibva abhabhatidzwa. Kufanana nomurume uyu, vakawanda vari kushumira Jehovha nhasi vanoonga kuti vaya vakavaunzira shoko roUmambo havana kusarura, uye vakaramba vachiedza.

4 Nokukurumidza, Jehovha achatsvaira kusaruramisira pasi pose. (2 Pet. 3:10, 13) Munguva pfupi yasara, ngatitevedzerei kururamisira kwaJehovha nokupa vose mukana wokupona kuparadzwa kuri kuuya kwenyika yaSatani isina kururama.—1 Joh. 2:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe