RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/04 p. 3
  • “Ngatikudzise Zita Rake Pamwe Chete”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Ngatikudzise Zita Rake Pamwe Chete”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Rumbidzai Jehovha Muungano Huru
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Nguva Yokudya Mune Zvokunamata Uye Yokufara
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2008
  • Kuungana Pamwe Kuti Tirumbidze Jehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Wagadzirira Nokuda Kwemabiko Ezvokunamata Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 7/04 p. 3

“Ngatikudzise Zita Rake Pamwe Chete”

1. Mukana upi watichava nawo wokuti tikudze zita raMwari pamwe chete, uye tingaitei iye zvino mukugadzirira?

1 “Kudzai Jehovha pamwe chete neni, ngatikudzise zita rake pamwe chete,” akaimba kudaro munyori wepisarema. (Pis. 34:3) Kokorodzano yedu Yoruwa iri kuuya inoti “Famba naMwari” ichatipa mukana wokukudza zita raJehovha pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu dzinobva kuungano dzakawanda. Wati waronga pokuzogara, chokuzofambisa, uye nguva yauchange usiri pabasa rako here? Kuchenjera kutarisira zvinhu izvi pachine nguva mberi.—Zvir. 21:5.

2. Nei zvichibatsira kuronga kusvika panzvimbo yekokorodzano nokukurumidza?

2 Kusvika Panzvimbo Yekokorodzano: Pane zvinhu zvakawanda zvinoda kutarisirwa patinopinda kokorodzano. Kukurumidza kuenda kuchatibatsira kuti tisazongoerekana tanonoka uye kuchaita kuti tigare muzvigaro zvedu pachine nguva kuti tibatanidzwe nomwoyo wose parwiyo nomunyengetero zvokutanga. (Pis. 69:30) Maminitsi mashomanana purogiramu isati yatanga, sachigaro achange agara pachikuva panenge pachirira nziyo dzoUmambo dzokutanga. Panguva iyoyo tose zvedu ndipo patinofanira kugara kuitira kuti purogiramu igotanga nenzira inokudzwa. (1 VaK. 14:33, 40) Mhuri dzinokurudzirwa kukurukura nyaya yokuchengeta nguva dzofunga nezvokusvika panzvimbo yekokorodzano nokukurumidza. (Zvir. 15:22) Sezvataurwa pamusoro apa, kuronga kwakanaka kuchatibatsira kukurira dambudziko rokunonoka kusvika panzvimbo yekokorodzano.—Zvir. 21:5.

3. Tingaratidza sei kuti tinofunga vamwe pakutsvaka pokugara?

3 Shoko raMwari rinotirayira kuti ‘zvinhu zvedu zvose zviitike norudo.’ (1 VaK. 16:14) Pakupinda munzvimbo yekokorodzano, kufunga vamwe kuchaita kuti tirege kumhanyirira, kuita chipatapata, tichisundidzirana, kana kuti kusaidzirana tichiedza kuwana pokugara patinoda vamwe vasati vapawana. Pokugara pangachengeterwa vaya vamuri kufamba navo bedzi mumotokari kana kuti vari kugara nemi kumba.—1 VaK. 13:5; VaF. 2:4.

4. Ndezvipi zvingaitwa pakuzorora kwemasikati, uye izvi zvinobatsira sei?

4 Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yekokorodzano kuti munotsvaka zvokudya panguva yokumbozorora kwemasikati. Izvi zvichaita kuti tose tinakidzwe nokukurukurirana kunokurudzira uye kuti panozotanga purogiramu yemasikati tinge tavepo. Kana zvichidiwa, shandisai chokuisira zvokudya chiduku chinogona kukwana pasi pechigaro. Midziyo yakakura yokuisira zvokudya zvemhuri, midziyo yemagirazi uye doro, hazvibvumirwi panoitirwa kokorodzano.

5. Urongwa hupi hwakaitwa kuitira vakwegura nendonda?

5 Pakokorodzano dzakawanda, pane nzvimbo ichasiyirwa vanhu vakura nevakaremara. Uya ari kutarisira munhu akwegura kana kuti ndonda angagarawo panzvimbo iyi asi imwe mhuri yose inofanira kugara kunogarwa nevamwe.

6. Tingagadzirira sei mwoyo yedu nokuda kwemirayiridzo yatichawana?

6 Mafashafasha Ezvokudya Zvomudzimu Akatimirira: Mambo Jehoshafati ndiye ‘akagadzirira mwoyo wake kuti atsvake Mwari wechokwadi.’ (2 Mak. 19:3) Tingagadzirira sei mwoyo yedu tisati tapinda kokorodzano? Nyaya iri papeji yokupedzisira yeMukai! yaJune 8 inoita kuti tiravidze mafashafasha ezvokudya zvomudzimu achagoverwa. Wadii kuwana nguva yokufungisisa nyaya idzodzo, uchimutsa havi yokunzwa zvatakachengeterwa naJehovha? Kugadzirira mwoyo yedu kunosanganisira kukumbira Jehovha kuti atibatsire kunzwisisa mirayiridzo yatichawana ndokuishandisa.—Pis. 25:4, 5.

7. Ndezvipi zvatinoshuva, uye nei?

7 Tose tinoshuva kudzidza zvakawanda zvinobva muShoko raMwari, tichiziva kuti nokurishandisa tinogona kukura tozoponeswa. (1 Pet. 2:2) Saka, ngativepo paKokorodzano yedu Yoruwa inoti “Famba naMwari” to‘kudza zita rake pamwe chete.’—Pis. 34:3.

[Bhokisi riri papeji 3]

Nzira Dzokukudza Nadzo Zita raMwari

◼ Kufanoronga

◼ Ratidza kuda vamwe

◼ Gadzirira mwoyo wako

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe