RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/04 p. 8
  • Tinogona Kuita Zvinodiwa naJehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinogona Kuita Zvinodiwa naJehovha
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Kukunda Denho Yokuvimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Ramba Uri Pedyo neSangano raJehovha
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Kuparidza Kunotibatsira Kutsungirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • “Kutsungirira Ngakupedze Basa Rakwo”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 2/04 p. 8

Tinogona Kuita Zvinodiwa naJehovha

1. Tingafanira kurwisana nemanzwiro api pane dzimwe nguva, uye nei?

1 Kuteerera mitemo nenhungamiro zvaJehovha ndiyo nzira yakanakisisa youpenyu nhasi, uye kunotibatsira kuva nemavambo akanaka kwazvo enguva yemberi isingagumi. (Pis. 19:7-11; 1 Tim. 6:19) Zvisinei, nyika yaSatani inotidzvinyirira chaizvo. Kusakwana kwedu kunowedzerawo chinetso chacho. Mukuedza kuita mitoro yedu yeMagwaro, dzimwe nguva tinganzwa taremerwa. (Pis. 40:12; 55:1-8) Tingatoshamisika kana tingagona kuita zvose izvo Jehovha anoda kwatiri. Panguva dzakadaro, chii chingatibatsira kuramba takatsiga mune zvokunamata?

2. Jehovha anoratidza sei kunzwisisa mune zvaanotitarisira?

2 Mirayiro yaJehovha Hairemi: Jehovha haambotirayiri kuita zvinhu zvisina musoro. Mirayiro yake hairemi asi yakatinakira. (Dheut. 10:12, 13; 1 Joh. 5:3) Anoziva kusava nesimba kwedu, “unorangarira kuti tiri guruva.” (Pis. 103:13, 14) Mwari anogamuchira netsitsi zvakanakisisa zvatinoedza kuita kuti timushumire, kunyange kana mamiriro edu ezvinhu achititadzisa kuita zvakawanda. (Revh. 5:7, 11; Mako 14:8) Anotikoka kukandira mitoro yedu paari, uye anotivimbisa kuti achaita kuti zvikwanisike kuti tirambe takatendeka.—Pis. 55:22; 1 VaK. 10:13.

3. Jehovha anotisimbisa sei kuti titsungirire?

3 Kudiwa Kwokutsungirira: Nhoroondo dzeBhaibheri dzevanhu vakavimbika vakadai saEriya, Jeremia, naPauro dzinoratidza kudiwa kwokutsungirira. (VaH. 10:36) Jehovha akavatsigira munguva yenhamo neyokuora mwoyo. (1 Madz. 19:14-18; Jer. 20:7-11; 2 VaK. 1:8-11) Uye tinokurudzirwa nokuvimbika kwehama dzedu munguva ino. (1 Pet. 5:9) Kufungisisa mienzaniso yakadaro kungatibatsira kuti tisaore mwoyo.

4. Nei zvichikosha kuti tirambe tichifunga zvipikirwa zvaMwari?

4 Tariro muzvipikirwa zvaMwari “chinhu chinobata mweya.” (VaH. 6:19) Yakaita kuti Abrahamu naSara vabvume chikumbiro chaJehovha chokusiya musha wavo ndo‘kugara sevanhu vokune imwe nyika munyika yechipikirwa.’ Yakasimbisa Mosesi kutsigira chokwadi asingatyi. Yakasimbisa Jesu kutsungirira danda rokutambudzikira. (VaH. 11:8-10, 13, 24-26; 12:2, 3) Kuchengeta chipikirwa chaMwari chenyika itsva yakarurama chiri chipenyu mumwoyo yedu kuchatibatsirawo kuramba takatsiga.—2 Pet. 3:11-13.

5. Nei zvingakurudzira kufungisisa zviito zvedu zvekare zvokuvimbika?

5 Kuyeuka zviito zvedu zvekare zvokuvimbika, kuzvibayira, uye kushinga kungatisimbisawo mubasa redu. (VaH. 10:32-34) Kunotiyeuchidza nezvomufaro watinowana patinopa Jehovha zvaanoda kwatiri—kuzvipira kwedu nomwoyo wose.—Mat. 22:37.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe