RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/04 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
km 1/04 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna January: Bhuku ripi neripi rakabudiswa 1988 asati asvika iro ungano ingava naro. Kana musina mabhuku aya, tapota bvunzai kana ungano dziri pedyo dziine mabhuku ekare okuwedzera amungagona kushandisa. Ungano dzisina mabhuku ekare dzingagovera bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu. February: Swedera Pedyo naJehovha. Kana musina bhuku iri, mungagovera Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Kana vanhu vachitova nebhuku iri, mungagovera bhuku raFungisisa Uprofita hwaDhanieri! April: Nharireyomurindi neMukai! Pakudzokera kunoona vanhu vanofarira, batanidza vaya vanopinda Chirangaridzo kana kuti mimwe misangano yechiKristu asi vasingawanzosonganira nesangano. Edza kugovera bhuku raNamata Mwari. Edza nepose paunogona kutanga chidzidzo cheBhaibheri, zvikurukuru kana vanhu vacho vakatodzidza bhuku raZivo uye bhurocha raAnodei.

◼ Kutanga nevhiki yaMarch 15, 2004, tichadzidza bhuku raSwedera Pedyo naJehovha paChidzidzo Chebhuku Cheungano. Ungano dzinofanira kuodha bhuku iri nokukurumidza. Rine mabhii makuru ravakuwanikwawo asi iri rinofanira kuodherwa vaya bedzi vanorida zvepachokwadi.

◼ Kutanga muna February, uye March 7 asati asvika, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichava yokuti “Unokoshesa Tsika Dzaani?”

◼ Ungano dzinofanira kuita urongwa hwakafanira kuti dzichengete Chirangaridzo gore rino musi weSvondo, April 4, zuva ranyura. Kunyange zvazvo hurukuro yacho ingakurumidza kutanga, zviratidzo hazvifaniri kutanga kupfuudzwa kusvikira zuva ranyura. Bvunzai vezvemamiriro okunze vokwenyu kuti muone nguva inonyura zuva munharaunda yenyu. Sezvo pasina misangano inofanira kuitwa musi iwoyo kunze kweiyo yebasa romumunda, kugadziridza kwakakodzera kunofanira kuitwa kuti Chidzidzo cheNharireyomurindi chiitwe pane imwe nguva. Vatariri vematunhu vachafanira kugadziridza purogiramu yavo yemisangano yevhiki yacho maererano nemamiriro ezvinhu eungano. Kunyange zvazvo zvingava zvakanaka kuti ungano imwe neimwe ichengete Chirangaridzo iri yoga, izvi zvingasaita nguva dzose. Kune ungano dzinoverengeka dzinowanzoshandisa Imba yoUmambo imwe chete, zvichida ungano imwe kana dzinopfuura dzinogona kushandisa imwe nzvimbo manheru iwayo. Pazvinenge zvichiita, taizokurudzira kuti purogiramu dzacho dzinge dzakaparadzana nemaminitsi asiri pasi pe40 kuitira kuti vose vabatsirwe zvakazara nenguva yacho. Panofanira kufungwawo nezvokuwanda kwemotokari mumugwagwa uye pokudzipaka, kusanganisira kuburutswa nokutakurwa kwevanhu. Dare revakuru rinofanira kusarudza kuti urongwa hupi hungava hwakanakisisa muungano mavo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe