Pfekai Kuzvininipisa
1 Mukomana mufudzi anovimba naJehovha uye anokunda murwi ane simba. (1 Sam. 17:45-47) Murume akapfuma anotsungirira njodzi nokushivirira. (Job. 1:20-22; 2:9, 10) Mwanakomana waMwari anopa mbiri yose yokudzidzisa kwake kuna Baba vake. (Joh. 7:15-18; 8:28) Mune mumwe nomumwe wemienzaniso iyi, kuzvininipisa kwaikosha. Saizvozvowo nhasi, kuzvininipisa kunokosha mumamiriro ezvinhu atinosangana nawo.—VaK. 3:12.
2 Pakuparidza: Sevashumiri vechiKristu, tinoudza vanhu vemarudzi ose mashoko akanaka tichizvininipisa, tisingafanovatonga nokuda kwedzinza, tsika, kana kuti ruzivo rwavo. (1 VaK. 9:22, 23) Kana vamwe vachivirima kana kuti vachiramba shoko roUmambo nenzira yokudada, hativaitiriwo zvakafanana asi tinoramba tichitsvaka nokushivirira vaya vakafanirwa. (Mat. 10:11, 14) Pane kuedza kufadza vamwe nezivo yedu kana kuti dzidzo, tinoshandisa Shoko raMwari, tichiziva kuti rinonyengetedza zvikuru kupfuura chinhu chipi nechipi chatingataura. (1 VaK. 2:1-5; VaH. 4:12) Tichitevedzera Jesu, tinopa rumbidzo yose kuna Jehovha.—Mako 10:17, 18.
3 Muungano: VaKristu vanofanirawo ‘kuzvisunga nepfungwa dzinozvidukupisa kune mumwe nomumwe.’ (1 Pet. 5:5) Kana tichiona vamwe sevakuru kwatiri, tichatsvaka nzira dzokushumira nadzo hama dzedu pane kudzitarisira kuti dzitishumire. (Joh. 13:12-17; VaF. 2:3, 4) Hatizofungi kuti tinokosha zvikuru zvokusaita mabasa akaita sokuchenesa Imba yoUmambo.
4 Kuzvininipisa kunotibatsira ku‘shivirirana murudo’ nokudaro tosimudzira rugare nokubatana muungano. (VaEf. 4:1-3) Kunotibatsira kuzviisa pasi pevaya vakagadzwa kuti vatungamirire. (VaH. 13:17) Kunotikurudzira kugamuchira mazano ose kana kuti chirango chatingapiwa. (Pis. 141:5) Uye kuzvininipisa kunotikurudzira kuvimba naJehovha patinotarisira ropafadzo chero dzipi dzatingagamuchira muungano. (1 Pet. 4:11) SaDhavhidhi, tinoziva kuti kubudirira kunotsamira kwete pamano omunhu asi pachikomborero chaMwari.—1 Sam. 17:37.
5 Pamberi paMwari Wedu: Kupfuura zvose, tinoda ‘kuzvininipisa pasi poruoko rwaMwari rune simba.’ (1 Pet. 5:6) Kana tichirwisana nemamiriro ezvinhu anoedza, tingapanga zororo richaunzwa noUmambo. Asi tinoshivirira nokuzvininipisa, tichimirira kuti Jehovha azadzike zvipikirwa zvake panguva yake yakatarwa. (Jak. 5:7-11) Kungofanana nezvakanga zvakaita Jobho akaramba akatendeka, tinoda zvikuru kuti ‘zita raJehovha rirambe richikudzwa.’—Job. 1:21.
6 Muprofita Dhanieri ‘akazvininipisa pamberi paMwari wake’ uye akakomborerwa nenyasha dzaJehovha uye dzimwe ropafadzo dzakanakisisa dzakawanda. (Dhan. 10:11, 12) Isuwo ngatizvipfekedzei kuzvininipisa, tichiziva kuti “mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha ipfuma nokukudzwa noupenyu.”—Zvir. 22:4.