RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/03 p. 6
  • Zvinoitwa Pakuodha Mabhuku

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinoitwa Pakuodha Mabhuku
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 7/03 p. 6

Zvinoitwa Pakuodha Mabhuku

1 Mabhuku anonzi “zvinhu zveodha chaiyo” haafaniri kuodwa neungano kunze kwokuti mumwe munhu ari muungano aaodha zvakananga. Zvinhu zvakadaro zvinosanganisira Insight on the Scriptures, bhuku raVazivisi, mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai!, Watchtower Publications Index, makaseti evhidhiyo neokuteerera, Shanduro yeNyika Itsva (Deluxe), uye Reference Bible.

2 Nzira yakarurama yokuodha nayo ndeiyi: Kamwe pamwedzi paMusangano Webasa, mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chipiwe kuungano chokuzivisa vapi nevapi vanoda kuodha zvinhu zveodha chaiyo kuti vaende kuDhipatimendi Remabhuku ndokuisa odha dzavo. Hama inotarisira mabhuku ichanyora mazita avo pamwe chete nezvinhu zvavaodha. Zvadaro ichaisa odha dzacho paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Pashure pokunge izvi zvaitwa, Fomu Rokuodha Mabhuku rinotumirwa kuungano inotarisira (kana ungano dzinoverengeka dzichishandisa Imba yoUmambo imwe chete).

3 Hama inoona nezvemabhuku muungano inotarisira inoita Fomu Rokuodha Mabhuku rinosanganisira odha dzose, ichishandisa mashoko ari pamafomu ose ainenge yatambira kubva kuungano dzinoshandisa imba imwe chete. Inofanira kuva nechokwadi chokuisa mafomu ose eS-14 ainotambira kubva kuungano idzi mufaira, kusanganisira riya reungano inotarisira.

4 Kana zvinhu zvakaodwa zvatambirwa kubva kuhofisi yebazi, mutarisiri wemabhuku weungano inotarisira anopa zvinhu zveodha chaiyo kune dzimwe ungano maererano nezvinoratidzwa paFomu radzo Rokuodha Mabhuku. Vatarisiri vemabhuku muungano imwe neimwe vanofanira kuona kuti zvinhu zveodha chaiyo zvaendeswa kune vaya vakazviodha, sezvinoratidzwa muzvinyorwa zvadzo. ZVINHU IZVI HAZVIMBOFANIRI KUPIWA MUNHU UPI NOUPIWO ZVAKE.

5 Zvinhu zvakaodwa pazvinotambirwa, kana zviri zvishoma pane zvakaodwa, mutarisiri wemabhuku anofanira kupa ungano imwe neimwe zvakaenzanirana pane zvinenge zvatambirwa. Nokuda kwechikonzero ichi, varume vakakura mumudzimu uye vakatendeka vanofanira kusarudzwa kuti vaite basa iri.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe