Shoko raMwari Ichokwadi
1. Bhaibheri rine mashoko api anokosha?
1 “Unganidzo yeShoko renyu izvokwadi,” akanyora kudaro munyori wepisarema. (Pis. 119:160) Kuburikidza neShoko rake rakafuridzirwa, Jehovha anopa mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo youpenyu inokosha zvikuru. Anopa nyaradzo netariro kune vaya vane zvinetso. Uye anotiratidza kuswedera kwatingaita pedyo naye. “Kudzidza chokwadi kubva muBhaibheri kwakaita sokubva munzvimbo ine rima rakati ndoo uchipinda mukamuri rakajeka, uye rakanaka,” akadaro mumwe mukadzi anoonga. Unoedza kuudza vamwe chokwadi chiri muShoko raMwari pamukana uri wose here?
2. Bhaibheri rinoita sei kuti upenyu hwevanhu huve nani?
2 Simba Rinoshandura uye Kufadza Vanhu Pasi Pose: Chokwadi cheBhaibheri chine simba rokusvika pamwoyo ndokuchinja upenyu hwevanhu. (VaH. 4:12) Mumwe musikana anonzi Rosa aiita zvechipfambi, uyewo ainwa doro nokushandisa zvinodhaka zvisina kufanira. “Rimwe zuva, pandakanga ndakapererwa zvachose,” anodaro, “mumwe murume nomukadzi wake vari Zvapupu vakandiudza nezvokuti Bhaibheri rinogona sei kutibatsira kupedza zvinetso zvedu. Ndakatanga kudzidza Shoko raMwari, randakaona richinakidza. Mwedzi usati wapera ndakanga ndava nesimba rokurarama upenyu hwakachena, hutsva. Zvino nokuti ndakanga ndava nechinangwa muupenyu, ndakanga ndisingachadi kutsigirwa nedoro kana zvinodhaka. Uye sezvo ndaida zvikuru kuva shamwari yaJehovha, ndakatsunga kurarama ndichiita zvaanoda. Kudai hwakanga husiri uchenjeri hunoshanda hweShoko raMwari, ndine chokwadi chokuti kusvika pari zvino ndingadai ndakazviuraya.”—Pis. 119:92.
3. Nei tisingafaniri kurega kuudza vamwe mashoko akanaka ari muBhaibheri?
3 Kusiyana nemabhuku akawanda nhasi, Bhaibheri rinofadza vanhu ‘vemarudzi ose, madzinza, vanhu nendimi.’ (Zvak. 7:9) Mwari anoda “kuti vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Naizvozvo, hatimbofaniri kufungidzira kuti munhu haazogamuchiri mashoko akanaka nemhaka bedzi yemamiriro ake ezvinhu. Pane kudaro, udza vanhu vose shoko roUmambo, uchiita kudaro zvakananga kubva muBhaibheri pose pazvinobvira.
4. Tingashandisa Bhaibheri sei pakupupurira?
4 Simbisa Magwaro: Pane mikana yakawanda yokushandisa Bhaibheri muushumiri. Pakugovera magazini, edza kutaurawo rugwaro ruri pamharidzo yokuenzanisira. Pakushandisa mabhuku anogoverwa mwedzi wacho, vamwe vanoona zvichibudirira kuverenga rugwaro rwakanyatsosarudzwa musumo yavo. Pakudzokerazve, verenga rugwaro rweBhaibheri rumwe kana kupfuura nguva imwe neimwe kuti ubatsire saimba kuwana zivo yakarurama zvishoma nezvishoma. Pakuitisa chidzidzo cheBhaibheri, vakira kukurukurirana kwacho pamagwaro anokosha. Paunenge usiri kuita ushumiri hwakarongwa, iva neBhaibheri pedyo kuti urishandise mikana painomuka yokupupurira zvisina kurongwa.—2 Tim. 2:15.
5. Nei tichifanira kuedza kushandisa Bhaibheri muushumiri hwedu?
5 Ngatiyamurei vamwe kuti vabatsirwe nesimba rinokurudzira rechokwadi cheShoko raMwari nokushandisa Bhaibheri pamukana wose wakakodzera muushumiri hwedu.—1 VaT. 2:13.