Kuronzeswa Mashoko Akanaka
1 Iropafadzo huru zvikuru kuti takaronzeswa mashoko akanaka aMwari! (1 VaT. 2:4) Kunyange vamwe vangaramba shoko iri rine simba, vaya vane mwoyo yakatendeseka vari kukweverwa kwariri sokunge kumunhuhwi wakanaka. (2 VaK. 2:14-16) Kune vaya vanogamuchira ndokuteerera mashoko akanaka, zvinoreva ruponeso. (VaR. 1:16) Tinofanira kutarisira sei zvatakaronzeswa izvi?
2 Jesu Nevaapostora: Jesu akaisa kuzivisa mashoko akanaka munzvimbo yokutanga. (Ruka 4:18, 43) Kunyange paaiva akaneta uye aine nzara, kuda kwake vanhu uye kukoshesa kwake shoko racho kwakamuita kuti ariudze vamwe. (Mako 6:30-34) Neshoko nomuenzaniso, akapinza mupfungwa dzevadzidzi vake kukosha kwebasa rokuparidza Umambo.—Mat. 28:18-20; Mako 13:10.
3 Vachitevedzera Jesu, vaapostora vakazivisa shoko roUmambo nokushingaira. Kunyange pavakarohwa ndokurambidzwa kuparidza, “vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka.” (Mab. 5:40-42) Muapostora Pauro akashanda asinganeti mubasa iri. (1 VaK. 15:9, 10; VaK. 1:29) Akafananidza ropafadzo yokuparidza mashoko akanaka nechikwereti chaaiva nacho neshamwari dzake, uye akanga achida kusiya zvakamunakira kuitira kuti achibhadhare.—Mab. 20:24; VaR. 1:14-16.
4 Ropafadzo Yedu Nhasi: Kuonga basa dzvene ratakaronzeswa kuchaita kuti titsvake nzira dzokuwedzera kushanda kwedu mubasa rokuparidza. (VaR. 15:16) Edward, uyo akanga achishandisa wiricheya, aigara pamukova wehotera achitaura nevashanyi nezvokutenda kwake. Zvisinei, achida kuita zvakawanda, akaita kuti agadzirirwe imba pakarori kaduku, uye achishandisa motokari iyi, akapayona kwemakore akawanda, achifamba zviuru zvemakiromita nenzira iyi. SaEdward, mazuva ano vakawanda vakagadzirisa mamiriro avo ezvinhu kuti vawedzere basa ravo mukuparadzira mashoko akanaka.
5 Tichitevedzera Jesu nevaapostora, mazuva ano ngatigare tichipa basa rokuparidza nzvimbo yokutanga muupenyu hwedu. Nokuita kudaro, tinoratidza kuda kwedu vanhu uyewo kuonga kwatinoita mashoko akanaka atakaronzeswa.