Kudzokerazve Kunoita Kuti Tive Nevadzidzi veBhaibheri
1. Nei basa rokudzokerazve richikosha zvikuru?
1 Jesu akarayira vateveri vake kwete kungoparidza asiwo ‘kuita vanhu vadzidzi, vachivadzidzisa.’ (Mat. 28:19, 20) Muparidzi anozivisa, asi mudzidzisi anoita zvakawanda. Anorayiridza, anotsanangura, uye anopa uchapupu. Imwe nzira yatinodzidzisa nayo vamwe ndeyokudzokera kune vaya vanofarira nechinangwa chokutanga kudzidza navo Bhaibheri.
2. Tinofanira kudzokera kuna vanaani?
2 Unofanira kudzokera kuna vanaani? Iva nechokwadi chokudzokera kune vose vanogamuchira mabhuku kana kuti vanoratidza kunyange kufarira zvishoma mashoko akanaka. Kana ukawana vanofarira pakupupurira munzvimbo dzavose, edza kuwana kero yomunhu wacho kana kuti nhamba dzorunhare kuitira kuti kufarira kwacho kugone kukudziridzwa. Iva netariro yokutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Ramba uchitsvaka vaya vangabvuma kudzidza Bhaibheri, uye zvimwe uchavawana.—Mat. 10:11.
3, 4. Zvii zvinobatanidzwa pakudzokerazve kunobudirira?
3 Ratidza Kufarira Vamwe: Kugadzirira kudzokerazve kunobudirira kunotangira paunoshanya kokutanga. Vaparidzi veevhangeri vanobudirira vanocherechedza zvinofarirwa nasaimba, uye vanoshandisa izvozvo kuvakira zvavachazokurukurazve. Vamwe vanoona zvichibatsira kubvunza mubvunzo pamhedziso yokushanya kwavanenge vaita kuitira kuti saimba anzwe achifarira kushanyirwa munguva inotevera. Kufarira kwatinoita vanhu zvinobva pamwoyo kunoita kuti tirambe tichifunga nezvavo kunyange kana tabva pamba pavo, uye kunotikurudzira kushanyazve pasina kunonoka. Kana zvichibvira, edza kudzokera munhu wacho achiri kufarira—zvichida kunyange pashure pezuva rimwe kana maviri.
4 Pakudzokerazve, edza kutangira pane zvamakakurukura nguva yapfuura. Vavarira kuverenga Rugwaro rumwe runokurudzira nguva nenguva, uye iva anoda kuteerera. Svika pakuziva saimba wacho zviri nani. Ipapo pakushanya kunotevedzana, muudze chokwadi chiri muShoko raMwari chinobata zvakananga zvikuru nezvinetso zvake.
5. Inzira ipi iri nyore ingagona kushandiswa kutanga zvidzidzo zveBhaibheri?
5 Ziva Mikana Yokutanga Nayo Kudzidza Bhaibheri: Dzokerazve nechinangwa chokutanga kudzidza Bhaibheri. Izvi zvingaitwa sei? Taura kuti ungada kumuudza pfungwa inonakidza, wovhura ndima iri mubhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei yaunofunga kuti ichanakidza munhu wacho. Verenga ndima yacho, wobvunza mubvunzo wacho, wozokurukura rugwaro rumwe kana maviri aripo. Izvi zvingaitwa zvakananga uchingosvika pamusuo mumaminitsi mashanu kusvika kugumi. Gumisa nokubvunza mubvunzo unotevera uye nokuita zvirongwa zvokuenderera mberi nokukurukurirana kwacho pane imwe nguva.
6. Tingaratidza sei kuti tinonzwisisa kukosha kwokudzokerazve?
6 Kukudziridza kufarira kwose kwatinowana ndechimwe chinhu chinokosha muushumiri hwedu. Naizvozvo, tsaura nguva yokudzokerazve papurogiramu yako yevhiki nevhiki. Kuita kudaro kuchawedzera kubudirira kwoushumiri hwako uye kuchaunza mufaro chaiwo.