RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/03 p. 1
  • ‘Kupenya Sezvivheneko’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Kupenya Sezvivheneko’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Vechiduku Vari Kupenya Sezvinhu Zvinovheneka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Kuita Kuti Chiedza Chedu Chipenye Nguva Dzose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • “Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mabasa Akaisvonaka Anorumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 4/03 p. 1

‘Kupenya Sezvivheneko’

1 Murima rezvokunamata neretsika renyika ino iripo, vanamati vaMwari wechokwadi, Jehovha, vanenge mamiriyoni matanhatu, vari ‘kupenya sezvivheneko’ munyika 234 pasi pose. (VaF. 2:15) Izvi zvinoita kuti ticherechedzwe zviri nyore. Tinoratidza sei chiedza chechokwadi chinokosha chinobva kuna Jehovha?—2 VaK. 3:18.

2 Zviito Zvedu: Vanhu vanokurumidza kuona mufambiro wedu. (1 Pet. 2:12) Mumwe mukadzi akacherechedza kuti chimwe Chapupu chaaishanda nacho chaiva nomutsa uye chaibatsira uye chakanga chisingashandisi mutauro unonyadzisa kana kuseka majee asina kuchena. Vamwe pavaiedza kudenha Chapupu chacho nokushandisa mutauro unonyadzisa chiripo, chairamba chakanyarara asi chichiomerera pane zvakarurama. Izvi zvakava nomugumisiroi pamukadzi wacho? Anoti: “Ndakaororwa zvikuru nomufambiro wake zvokuti ndakatanga kubvunza mibvunzo pamusoro peBhaibheri. Ndakatanga kudzidza Shoko raMwari uye gare gare ndakabhabhatidzwa.” Anotizve: “Waiva mufambiro wake wakandiita kuti ndiongorore zvitendero zveZvapupu zvaJehovha.”

3 Maitiro edu pazviremera, maonero atinoita tsika dzenyika, uye kutaura kwedu kwakanaka kunoita kuti Zvapupu zvaJehovha zvicherechedzwe sevanhu vanorarama netsika dzeBhaibheri dzakanaka zvikuru. Mabasa akanaka kudaro angapa mbiri kuna Jehovha uye angakwezva vamwe kuti vamunamate.

4 Mashoko Edu: Chokwadi, vaya vanoona mufambiro wedu wakanaka vangasaziva kuti nei takasiyana nevamwe kunze kwokuti tataura navo nezvezvitendero zvedu. Vaya vaunoshanda navo kana vaunopinda navo chikoro vanoziva here kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha? Unotsvaka mikana yokuchinja nyayawo zvadzo here kuti upupurire? Wakatsunga here ‘kuita kuti chiedza chako chivhenekere pamberi pevanhu’ panguva yose yakakodzera?—Mat. 5:14-16.

5 Kuita basa redu sevatakuri vechiedza kunoda kurega zvimwe zvinhu. Pfungwa yomwoyo wose ichatiita kuti tirege zvimwe zvinhu zvinokosha zvishoma kuitira kuti tiite zvakawanda sezvatingagona mubasa rinoponesa upenyu rokuparidza nokuita vadzidzi.—2 VaK. 12:15.

6 Nezviito zvedu uye mashoko, ngatirambei tichipenya sezvivheneko. Kana tikadaro, vamwe vangakurudzirwa kubatana nesu kupa mbiri kuna Jehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe