RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/03 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
km 1/03 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1992 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzine bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu dzingarigoverawo. February: Swedera Pedyo naJehovha. March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza nepatingagona napo kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. April: Govera magazini yeNharireyomurindi neMukai! Pakudzokera kunoona vanhu vanofarira, simbirira pakugovera bhuku raNamata Mwari Wechokwadi Bedzi. Edza nepose paunogona kutanga chidzidzo cheBhaibheri chepamusha, zvikurukuru kana vanhu vacho vakatodzidza bhuku raZivo uye bhurocha raAnodei.

◼ Kutanga muna February, uye March 2 asati asvika, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichava yokuti “Kununurwa Kubva Munyika Yerima.”

◼ Ungano dzinofanira kuita urongwa hwakafanira kuti dzichengete Chirangaridzo gore rino musi weChitatu, April 16, zuva ranyura. Kunyange hurukuro yacho ingakurumidza kutanga, kupfuudzwa kwezviratidzo hakufaniri kutanga kusvikira zuva ranyura. Kurukurai nevezvemamiriro okunze vokwenyu kuti muone nguva inonyura zuva munharaunda yenyu. Kune ungano dzinoverengeka dzinowanzoshandisa Imba yoUmambo imwe chete, zvichida ungano imwe kana dzinopfuura dzinogona kushandisa imwe nzvimbo manheru iwayo. Pazvinenge zvichiita, taizokurudzira kuti purogiramu dzacho dzinge dzakaparadzana nemaminitsi asiri pasi pe40 kuitira kuti vose vabatsirwe zvakazara nenguva yacho. Panofanira kufungwawo nezvezvinetso zvemotokari uye pokudzipaka, kusanganisira kuburutswa nokutakurwa kwevanhu. Dare revakuru rinofanira kusarudza kuti urongwa hupi hungava hwakanakisisa muungano mavo.

◼ Ungano dzinofanira kuodha Masiripi Okukokera Chirangaridzo chegore rino neFomu radzo rinotevera Rokuodha Mabhuku (S-14). Anowanikwa muchiRungu, chiShona neZulu. Odha dzacho dzinofanira kuva dzemasiripi 100, 200, 300, zvichingodaro pamutauro mumwe nomumwe. Tapota odhai nokuchenjera sezvo akagadzirirwa vanhu vanofarira chete, kwete kuti agoverwe vanhu vose vose.

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Watch Tower Publications Index 2001—chiRungu

◼ Makaseti Evhidhiyo Matsva Aripo:

Warning Examples for Our Day—On Videocassette—chiRungu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe