RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/02 pp. 5-6
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 8/02 pp. 5-6

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Kudzokororwa kwezvakadzidzwa muChikoro chaMwari Choushumiri muhurukuro dzevhiki dzaMay 6 kusvika kuna August 19, 2002. Izvi zvinoitwa mabhuku akavharwa. Iva nepepa rokunyorera mhinduro dzose dzaunokwanisa munguva yakapiwa.

Ona: Paunenge uchinyora mhinduro, Bhaibheri bedzi ndiro ringashandiswa kupindura chero mubvunzo. Mabhuku anoratidzwa panoperera mubvunzo ndeokuti utsvakurudze mashoko uri woga. Nhamba dzemapeji uye ndima dzingasaratidzwa muNharireyomurindi imwe neimwe inenge yaratidzwa.]

Pindura mibvunzo yose inotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:

1. Jeremia 18:1-6 inoratidza kuti Jehovha anoita kuti vanhu vaite zvinhu zvavasingadi. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 4/1 p. 22 ndima 3-4.]

2. Vaprofita venhema vakaba simba uye mashoko aMwari nemigumisiro yokusateerera pavakakurudzira vanhu kuteerera nhema pane nyevero yechokwadi yaibva kuna Mwari. (Jer. 23:30) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 2/1 p. 4 ndima 3.]

3. Pana Jeremia 25:15, 16, “mukombe uyu wewaini yokutsamwa” uyo unoita kuti ‘marudzi ose aite sevanhu vanopenga’ unoreva mugumisiro yokusafunga kwechitendero chenhema. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w94 3/1 p. 20 ndima 13.]

4. Rumuko ruchabatanidza vanhu vemazera ose vakararama ndokufa, kunyange vacheche vari panhamba iyoyo. (Jer. 31:15, 16) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 7/1 p. 22 ndima 14.]

5. Jeremia 37:21 inovimbisa kuti Jehovha anogona kutsigira vashumiri vake vakatendeka munguva dzakaoma dzokushayiwa mari. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 9/15 p. 3 ndima 4–p. 4 ndima 2.]

6. Bhuku raMariro rinoratidza kusuruvara kukuru nezvokuparadzwa kweJerusarema kwakaitwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi muna 607 B.C.E. [10, si–CA p. 130 ndima 1]

7. Mariro 5:7 inoratidza zvakajeka kuti Jehovha anoranga zvakananga vana nokuda kwezvivi zvevabereki vavo. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/1 p. 27 bhokisi.]

8. Chiratidzo chiri pahuma chinotaurwa pana Ezekieri 9:4 chinoreva kuti zivo bedzi ichaponesa munhu. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/15 p. 14 ndima 18.]

9. “Zvipo zviri varume” zvinotaurwa pana VaEfeso 4:8 vakuru vechiKristu, avo vanogadzwa nomudzimu mutsvene uye vanopiwa simba rokutarisira zvinodiwa zvomudzimu zvevavanonamata navo. (Mab. 20:28) [w00-CA 8/1 p. 6 ndima 3]

10. Mukushanda kwemazuva ano kwechitsauko 23 chaEzekieri, chiPurotesitendi chinogona kuenzaniswa naOhoribha uye Roma Katurike, kumukoma wacho Ohora. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/15 p. 21 ndima 22.]

Pindura mibvunzo inotevera:

11. Vaprofita vatatu vapi vakanga vakatanhamara mumakore aitambudza kubva muna 617 kusvika muna 607 B.C.E., akaguma nokuparadzwa kweJerusarema? [si-CA p. 133 ndima 2]

12. Kuonga kwechokwadi chibayiro chaKristu chorudzikinuro kunoratidzwa sei, maererano nokukoka kuri pana Ruka 9:23? [w00-CA 3/15 p. 8 ndima 1]

13. Jehovha ‘akanyengedza’ Jeremia munzirai? (Jer. 20:7) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 5/1 p. 31 ndima 6.]

14. Jesu airevei paakati mudzimu mutsvene “uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukurangaridzai zvinhu zvose zvandakakuudzai”? (Joh. 14:26) [w00-CA 4/1 p. 8 ndima 7-8]

15. Maererano naJeremia 35:18, 19, boka revaRekabhi vemazuva ano rine tariroi? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona su-CA p. 131 ndima 7.]

16. VaNefirimi vaiva “vanhu vane simba” uye “vakakurumbira” munzirai? (Gen. 6:4) [w00-CA 4/15 p. 27 ndima 9]

17. Bharuki akarasikirwa sei nokudzikama mune zvokunamata, uye tinogona kudzidza chii pane zvakaitika kwaari? (Jer. 45:1-5) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 8/15 p. 21 ndima 14-16.]

18. Uprofita huri pana Jeremia 50:38 hwakazadzika rini uye sei? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona dp-CA p. 150 ndima 2-3.]

19. Maererano naMariro 1:15, nhamo yeJerusarema, “mukunda mhandara yaJudha,” inoratidzirei pachiKristudhomu? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/1 p. 27 bhokisi.]

20. Mashoko okuti “Ngowani youpristi inofanira kubva, korona inofanira kubva,” akanyorwa pana Ezekieri 21:26 anorevei? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/15 p. 19 ndima 16.]

Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chemashoko anodiwa kupedzisa mutsetse mumwe nomumwe unotevera:

21. Munhu anozvininipisa anorambira ․․․․․․․․ yakanaka ․․․․․․․․ uye anobvuma kuti pane ․․․․․․․․ pane zvaanofanira kuita uye zvaanokwanisa kuita. (Mika 6:8) [w00-CA 3/15 p. 21 ndima 1-2]

22. Kunyange zvazvo mudzimu mutsvene usingabvisi ․․․․․․․․, unogona kutibatsira ․․․․․․․․. (1 VaK. 10:13; 2 VaK. 4:7) [w00-CA 4/1 p. 11 ndima 6]

23. Muprofita Dhanieri akanzwisisa kubva muzvinyorwa zvaJeremia kuti Jerusarema raizoitwa dongo ․․․․․․․․; kururama kunoshamisa kweizvi kunosimbisa kutenda musimba raJehovha ․․․․․․․․. (Jer. 25:12; Dhan. 9:2) [si-CA p. 129 ndima 37]

24. Bhuku raMariro rinofanira kukurudzira ․․․․․․․․ uye ․․․․․․․․ muvanamati vechokwadi uye rinoshanda senyevero ․․․․․․․․ kune vaya vanozvidza Jehovha Mwari. [si-CA p. 132 ndima 13]

25. Muenzaniso waAbrahamu wokubvuma kugadzirisa kusawirirana unotikurudzira kusabvumira ․․․․․․․․ kana ․․․․․․․․ kuchikanganisa ukama hwedu hunokosha nehama dzedu. (Gen. 13:5-12) [w00-CA 8/15 p. 24 ndima 3-4]

Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse mumwe nomumwe unotevera:

26. Jobho aikoshesa (zivo ya-; nyasha dza-; kutonga kwa-)Jehovha ndosaka aibata varanda vake ne(kunzwisisa; nyasha; kururama). (Job. 31:13, 14) [w00-CA 3/15 p. 26 ndima 1]

27. Pana Jeremia 16:2-4, muprofita wacho akarayirwa kuti arambe asina kuroora (kuti aratidze kuzvipira kwake; kuti afanoratidza upenyu hwokusaroora hwakaitwa naMesiya; nemhaka yenguva yakaoma yaakararama). [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 5/15 p. 17 ndima 10.]

28. Pana Zvirevo 4:7, uchenjeri hunoreva (kuva anoziva chokwadi; kuona kuti chokwadi chacho chinobatana sei; kushandisa zivo nenzwisiso). [w00-CA 5/15 p. 21 ndima 1]

29. Hapana munhu anogona kuva nechokwadi chaicho chokududzwa kwaiitwa zita raMwari pakuvamba muchiHebheru nokuti pakutanga chiHebheru chomuBhaibheri chakanga chakanyorwa ne(mavhawero chete; makonzonendi chete). [rs-CA p. 91 ndima 2]

30. Ngoro yaMwari inorondedzerwa pana Ezekieri chitsauko 1 inomiririra (Umambo hwaMwari hunotongwa naMesiya; sangano raJehovha rezvisikwa zvomudzimu; kukurukurirana kunoita Jehovha nevasara). [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w88-CA 9/15 p. 11 ndima 5.]

Wiriranisa Magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:

Dheut. 7:25, 26; Zvir. 4:18; 5:21; Jer. 46:28; VaR. 15:4

31. Murayiro uyu unopa muenzaniso wemaonero anofanira kuita vanhu vaJehovha zvifananidzo zvipi nezvipi zvavaimbonamata. [rs-CA p. 226 ndima 3]

32. Nzira chaiyo iyo Jehovha anonyaradza nayo iri kuburikidza neShoko rake rakanyorwa, iro rinopa tariro yenguva yemberi yakaisvonaka. [w00-CA 4/15 p. 5 ndima 4]

33. Chirango chinopiwa nevabereki hachifaniri kunyanyisa kana kupfuura chinangwa chacho chokururamisa nokudzidzisa. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona kl-CA p. 148 ndima 20.]

34. Sezvo Jehovha achiita kuti vashumiri vake vanzwisise chinangwa chake nenzira inofambira mberi, zivo yakawedzerwa inowanzoda kuti munhu achinje mafungiro ake. [rs-CA p. 434 ndima 1]

35. Chiito chipi nechipi chokusangana pabonde kusina kuchena, pasinei nokuti vamwe vanhu havazvizivi, hachina kuvanzika mumaziso aMwari. [w00-CA 7/15 p. 31 ndima 4]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe