Bhokisi Remibvunzo
◼ Nei tichifanira kungwarira pakupupura netsamba?
Kupupura netsamba inzira inobudirira yokuudza vamwe mashoko akanaka yakaedzwa kwenguva refu. Zvisinei, zvinhu zvichangobva kuitika munyika zvakaita kuti vanhu vangwarire kuvhura tsamba dzevanhu vavasingazivi. Hamvuropu dzinobva kuvanhu vasingazivikanwi kana kuti dzisina kero yomunyori wacho kakawanda dzinonyumwirwa, zvikurukuru kana dzakanyorwa nemaoko uye dzichirema. Vanasaimba vangarasa tsamba dzakadaro vasina kumbodzivhura. Tingaita sei kuti izvi zvisaitika?
Kana zvichibvira, tsamba nehamvuropu yacho zvinofanira kutaipwa. Hamvuropu yacho inofanira kunyorwa zita rasaimba wacho sezvariri. Musanyora kuti ku“Muridzi Wemba.” Uyewo, nguva dzose isai kero yenyu. Kana zvisina kukodzera kunyora kero yako pachako, nyora zita rako uye kero yeImba yoUmambo. Musatumira tsamba kuvanhu musingatauri kuti ndimi ani. Musambofa makashandisa kero yehofisi yebazi.—Ona Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1996.
Mamwezve mazano uye tsamba yomuenzaniso zvinogona kuwanikwa mubhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri, mapeji 71-3. Mirayiridzo iyi ichatibatsira kushandisa tsamba zvinobudirira pakuudza vamwe mashoko akanaka.