Zvokutaura Maererano Nemagazini
Nharireyomurindi May 15
“Munofunga kuti zvinobvira here kusvika pakuziva Mwari? [Rega apindure.] Muchabvuma kuti zvakaoma kutenda mune mumwe munhu watinoziva zvishomanana zvikuru nezvake. Chokwadi, Bhaibheri rinotikurudzira kutsvaka Mwari. [Verenga Mabasa 17:27.] Nyaya idzi dzinotiratidza kusvika kwatingaita pakuziva Mwari zviri nani.”
Mukai! June 8
“Vatungamiriri venyika vakazama pfungwa dzakawanda vachiedza kupedza zvinetso zvedu. Chimwe chirongwa chacho chitsva chinozivikanwa sokudyidzana kwenyika dzepasi pose. Mumagazini iyi, munogona kuverenga nezvokuti kuedza kutsva uku kungava kuri kutoita sei upenyu hwenyu. Mungaverengawo nezvokupedzwa kwezvinetso pasi pose kwakafanotaurwa muBhaibheri.” Ipapo verenga Mateu 6:9, 10.
Nharireyomurindi June 1
“Zvichangobva kuitika zviri kuita kuti vanhu vakawanda vanetseke kuti nei vanhu vasina mhosva vachingoerekana vafa. Makambofunga kuti nei vanhu vachifa here? [Rega apindure, wobva wavhura chati iri papeji 7.] Mungada kuona zvinotaura Bhaibheri nezvedzimwe nhema idzi dzinodavirwa nevakawanda here?” Kana zvichibvira, verenga rugwaro ruripo.
Mukai! June 8
“Vanhu vakawanda vanofunga kuti chitendero nesayenzi hazvipindirani. Vamwe vanotofunga kuti hazvibviri kuti mumwe munhu anofunga zvesayenzi adavire muna Mwari. Munofungei nezvazvo? [Rega apindure.] Mukai! inokurukura nhau iyi munzira inonzwisisika zvikuru.”