Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna April naMay: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kana mumwe munhu akafarira pamunodzokera, itai kuti ave mumwe wevamunogara muchiendesera magazini. Goverai bhurocha raAnodei, nechinangwa chokutanga zvidzidzo zveBhaibheri. June: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanasaimba vaine mabhuku aya, goverai bhurocha rakakodzera iro ungano inaro. July: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai!,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.
◼ Ungano dzinofanira kuodha iye zvino mabheji ekokorodzano ya2002. Munofanira kuodha zvibatiso zvepurasitiki zvemabheji acho kuitira vose vari muungano vanozvida.
◼ Hofisi yebazi inoda kugara nekero nenhamba dzorunhare dzevatariri vanotungamirira nevanyori vose dzinenge dzichishanda panguva iyoyo. Kana dzikachinja panguva ipi neipi, Dare Rebasa Reungano rinofanira kuzadza, kusaina uye kutumira fomu rinonzi Chinjo Yekero Yomutariri Anotungamirira/Munyori (S-29) kuhofisi yebazi nokukurumidza. Izvi zvinosanganisira kuchinja kupi nokupi kwenhamba dzenhare dzinoratidza nzvimbo yacho (area codes).
◼ Vanyori veungano vanofanira kuchengeta mafomu akakwana anoti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) neFomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwebetsero (S-205b). Aya anogona kuodwa paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14). Rambai muine anokwana gore rimwe kana kupfuura. Ongororai mafomu ose okukumbira basa roupiyona hwenguva dzose kuti muve nechokwadi chokuti akazadzwa zvakakwana. Kana vari kukumbira vasisayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira musi wacho vobva vachengeta musi iwoyo.
◼ Nguva nenguva zvirongwa zvako zvokufamba pazvinosanganisira kupinda misangano yeungano, gungano, kana kuti kokorodzano yoruwa kune imwe nyika, chikumbiro chako chemashoko ane chokuita nemisi, nguva, uye nzvimbo chinofanira kutumirwa kuhofisi yebazi iyo inotarisira basa racho munyika iyoyo. Kero dzehofisi dzemapazi dzakarongwa papeji yokupedzisira yeYearbook yegore rino.
◼ Magazini yeNharireyomurindi yava kuwanikwa mumutauro weZulu mumabhii makuru.
◼ Mabhuku Matsva Aripo:
Watch Tower Publications Index 2001—chiRungu
◼ Makaseti Evhidhiyo Matsva Aripo:
Respect Jehovah’s Authority—On Videocassette—Mutauro Wemasaini wokuAmerica
The Greatest Man Who Ever Lived—On Videocassette, Vhoriyamu 7—Mutauro Wemasaini wokuAmerica
Warning Examples for Our Day—On Videocassette—chiRungu