Zviyeuchidzo zveChirangaridzo
Gore rino Chirangaridzo chichachengetwa musi weChina, March 28. Vakuru vanofanira kufunga nezvezvinhu zvinotevera:
◼ Pakuronga nguva yomusangano wacho, ivai nechokwadi chokuti zviratidzo hazvizopfuudzwi kusvikira zuva ranyura.
◼ Munhu wose, kusanganisira mukurukuri, anofanira kuziviswa nguva chaiyo uye nzvimbo yachichachengeterwa.
◼ Rudzi chairwo rwechingwa newaini zvinofanira kuwanikwa zvogara zvavapo.—Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1985, peji 17.
◼ Ndiro, magirazi, uye tafura yakakodzera nejira repatafura zvinofanira kuunzwa kunzvimbo yamunopindira zvogara zvaiswa panzvimbo yazvo.
◼ Imba yoUmambo kana kuti imwe nzvimbo yokupindira inofanira kunyatsocheneswa nguva isati yakwana.
◼ Varindiri nevafambisi vezviratidzo vanofanira kusarudzwa ndokufanorayiridzwa mabasa avo, nzira yakafanira yokuaita nayo, uye kukosha kwokupfeka nokutsvinda zvinokudzwa.
◼ Panofanira kurongwa kuti kana pane vakazodzwa vasina kugwinya uye vasingakwanisi kuvapo vazopiwa chingwa newaini.
◼ Kana ungano dzinopfuura imwe dzakarongwa kuti dzishandise Imba yoUmambo imwe chete, ungano dzacho dzinofanira kushandira pamwe zvakanaka kuti vanhu vasazowandisa panosvikira vanhu kana kuti pamusuo, mokufamba namo, uye pokupaka motokari.