RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/01 p. 1
  • Bata Shoko raMwari Zvakarurama

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bata Shoko raMwari Zvakarurama
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kushandisa Shoko raMwari Zvakarurama Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Shandisa “Bakatwa Romudzimu” Nounyanzvi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Unotsigira Shoko raMwari Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2007
  • Nyengetedza Paunenge Uchidzidzisa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 12/01 p. 1

Bata Shoko raMwari Zvakarurama

1 Paaipupurira mumwe mukuru mukuru, “Firipi akashamisa muromo wake uye, achitanga [norumwe] Rugwaro, akamuzivisa mashoko akanaka pamusoro paJesu.” (Mab. 8:35) Firipi akanga achi“bata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Tim. 2:15) Zvisinei, nhasi vatariri vanofambira vanocherechedza kuti vaparidzi vakawanda havawanzoshandisi Bhaibheri pakupupurira. Unoshandisa Bhaibheri muushumiri hwako here?

2 Zvose zvatinotenda nezvatinodzidzisa zvinobva muShoko raMwari. (2 Tim. 3:16, 17) Ndiro rinokwevera vanhu kuna Jehovha rovadzidzisa kuwana upenyu. Ndicho chikonzero nei zvichikosha kuti tishandise Bhaibheri muushumiri hwedu pane kungokurukura misoro inotinakidza. (VaH. 4:12) Nokuda kwokuti vanhu vakawanda vanoziva zvishoma nezveBhaibheri, tinofanira kuriverenga kuti tivaratidze nhungamiro inoshanda yarinopa uye nguva yemberi nokuda kwevanhu.

3 Verenga Zvakananga Kubva muBhaibheri: Ungaedza kuenda pasuo usina bhegi remabhuku. Unogona kuisa mabhuku anogoverwa mwedzi wacho mubhegi duku-duku wobva watakura Bhaibheri muruoko rwako kana kuti muhomwe. Zvadaro, paunotaura nomumwe munhu, unogona kubudisa Bhaibheri usingamboiti kuti munhu wacho afunge kuti uri kuedza kupa mharidzo yakareba. Iva panzvimbo yokuti muteereri wako anogona kuverengawo muBhaibheri rako. Zvimwe ungamukumbira kuverenga rugwaro zvinonzwika. Angafarira zvikuru kana achigona kuona zvinotaura Bhaibheri pane kungonzwa iwe uchiriverenga. Chokwadi, kuti umubatsire kunzwisisa zvinorehwa norugwaro rwacho, simbisa mashoko anopa pfungwa yacho.

4 Mharidzo Ine Rugwaro Rumwe: Wataura kuti ndiwe ani, ungati: “Vanhu vanotarira kuzvinhu zvakasiyana-siyana kuti zvivatungamirire muupenyu hwavo. Munofunga kuti nhungamiro yakanakisisa inoshanda inobva kupi? [Rega apindure.] Munofungei nezvemashoko aya? [Verenga Zvirevo 2:6, 7, uye rega apindure.] Uchenjeri hwevanhu hwaratidza kusakwana kunosiririsa, huchiodza mwoyo vanhu vakawanda. Zvisinei, uchenjeri hwaMwari nguva dzose hwave huchiratidza kuti hwakavimbika uye hunobatsira.” Ipapo muratidze bhuku rauri kugovera, uye taura muenzaniso mumwe wouchenjeri hwaMwari hunoshanda huri mariri.

5 Jesu akashandisa Magwaro kubatsira vaiva nemwoyo yakatendeseka. (Ruka 24:32) Pauro akaratidza kuti zvinhu zvaaidzidzisa zvaiva zvechokwadi nokushandisa Magwaro. (Mab. 17:2, 3) Chivimbo chedu uye mufaro mubasa roushumiri zvichawedzera sezvatinowedzera kuva nounyanzvi mukubata Shoko raMwari zvakarurama.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe