Zvikomborero Zvinobva Mukuonga Rudo rwaJehovha—Chikamu 1
1 Muapostora Johani akanyora kuti: “Kana tiri isu, tinoda, nokuti [Jehovha] akatanga kutida.” (1 Joh. 4:19) Patinofunga zvose zvatakapiwa naJehovha, tinonzwa tichida kumuonga zvikuru. Jesu akaratidza muenzaniso wokuita izvi nokupupurira zita raMwari noUmambo nenzira yokuteerera. (Joh. 14:31) Tinoita zvakanaka kufunga nzira dzatingaratidza nadzo kuonga rudo rwaJehovha uye zvikomborero zvatinowana.
2 Kuenda Paimba Neimba: Jesu akadzidzisa vadzidzi vake maitirwo ebasa rokuparidza Umambo. Mirayiridzo yake inonyatsoratidza kuti vakaenda paimba neimba, vachiparadzira mashoko akanaka. (Ruka 9:1-6; 10:1-7) Zvinoda kuva norudo naMwari nomuvakidzani kuti tirambe tichienda pasuo nesuo nepo tichisangana nevanhu vasina hanya nezvatinotaura uye vanotishora. Zvisinei, nokuita kudaro, tinobatsirwa isu pachedu nokuti kutenda kwedu kunowedzera kusimba, kutendiswa kwedu kunowedzera kusimba, uye tariro yedu inowedzera kujeka.
3 Tichishanda tichitungamirirwa nengirozi, takawana vakawanda vane nzara nenyota yokuda kuziva chokwadi. (Zvak. 14:6) Vamwe vanasaimba vakataura kuti vakanga vachinyengeterera kubatsirwa pakasvika Chapupu pasuo ravo. Zvapupu zviviri nomumwe mwana muduku vakanga vachiparidza paimba neimba pachitsuwa cheCaribbean. Vakuru vacho pavakasarudza kuti vachimbondozorora musi wacho, mwana wacho akaenda oga pasuo raitevera ndokugogodza. Mumwe mukadzi wechiduku akazarura musuo. Vakuru pavakaona izvi, vakaendapo ndokutaura naye. Mukadzi uyu akavakumbira kuti vapinde mumba ndokubva ataura kuti akanga achangobva kunyengetera kuna Mwari kuti atumire Zvapupu kuti zvimudzidzise Bhaibheri!
4 Kupupurira Pamugwagwa: Sezvo zvakaoma zvikuru mune dzimwe nzvimbo kuona vanhu pamba, kupupurira pamugwagwa ndeimwe nzira inobudirira zvikuru yokupupurira vanhu. Uyezve, vamwe vanhu vanogara munzanga dzine magedhi kana kuti muzvivako zvinochengetedzwa zvikuru matisingagoni kuenda pasuo nesuo. Zvisinei, kuonga kwedu rudo rwaJehovha kunotikurudzira kushandisa nzira ipi neipi inoita kuti titaure nevanhu shoko roUmambo, kusanganisira kupupurira pamugwagwa.—Zvir. 1:20, 21.
5 Kudzokerazve: Sezvo tichitsvaka vaya vano“ziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu,” tinoda kuita zvatinogona kugutsa zvinodiwa izvozvo. (Mat. 5:3) Izvi zvinoda kuti tidzokere kunodiridza mbeu dzechokwadi dzatakadyara. (1 VaK. 3:6-8) Imwe hanzvadzi yokuAustralia yakagovera turakiti mumwe mukadzi aiita seasingafariri zvikuru. Kunyange zvakadaro, hanzvadzi yacho yakaramba ichiedza kumuwanazve pamba pake. Payakazomuwana, hanzvadzi yedu yakaona kuti pashure pokunge yashanya kokutanga, mukadzi wacho akabva atenga Bhaibheri rinodhura. Hanzvadzi yacho yakatanga kudzidza naye!
6 Kuitisa Zvidzidzo zveBhaibheri: Uku kunogona kuva basa rinonakidza zvikuru uye rinopa mubayiro roushumiri hwedu. Chikomborero chikuru kubatsira vanhu kudzidza nezvaJehovha, kuvaona vachichinja muupenyu hwavo kuti vamufadze, uye ipapo kupupurira kubhabhatidzwa kwavo kwechiKristu vachiratidza kuzvitsaurira kuna Mwari!—1 VaT. 2:20; 3 Joh. 4.
7 MuUshumiri hwedu hunouya, tichakurukura dzimwe nzira dzatinokomborerwa nadzo nokuratidza kuonga rudo rwaJehovha.