RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 11/01 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 11/01 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Kana vanhu vachitova nemabhuku aya, ungagovera Chengeteko Yenyika Yose kana kuti rimwe bhuku rekare. December: Munhu Mukurusa Ati Amborarama. Kana usina iri, ungagovera Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Bhaibheri—iShoko raMwari Here?, kana kuti Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1987 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzine bhuku raKutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu dzingarigoverawo. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, kana kuti bhuku ripi neripi rekare rine mapeji 192 iro ungano ingava naro.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waDecember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha 2002 Yearbook of Jehovah’s Witnesses neodha dzadzo dzemabhuku dzaNovember. Yearbook yacho ichawanikwa muchiRungu, Xhosa neZulu. Mabhuku acho achaoneka papepa remabhuku atumirwa reungano akanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira ava kuwanikwa uye atumirwa. MaYearbook zvinhu zveodha chaiyo, zvinoreva kuti anofanira kuodwa chete neungano kana pane munhu aaodha zvakananga; mutarisiri wemabhuku haagoni kungozvifungira kuodhera ungano akawanda. Naizvozvo, chinyorwa chokungwarira cheodha dzose chinofanira kuchengetwa. (Ona Mirayiridzo Yokuodha Mabhuku eWatch Tower, Chikamu 3.)

◼ Ungano dzinofanira kuodha Masiripi Okukokera Chirangaridzo chegore rinouya neFomu Rokuodha Mabhuku (S-14) rinotevera. Anowanikwa muchiRungu, chiShona neZulu. Odha dzacho dzinofanira kuva dzemasiripi 100, 200, 300, zvichingodaro pamutauro mumwe nomumwe. Tapota odhai nokuchenjera sezvo akagadzirirwa vanhu vanofarira chete, kwete kuti agoverwe vanhu vose vose.

◼ Tapota odherai vaparidzi vose vakabhabhatidzwa makadhi amunoda eAdvance Medical Directive/Release iye zvino uye maIdentity Card nokuda kwevana vaduku vevabereki vari Zvapupu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe