Vimba naJehovha Kuti Uwane Simba
1 Nokuda kwezvikonzero zvakawanda, tinofanira kuvimba naJehovha. Kuparidza mashoko akanaka “mupasi rose rinogarwa” ibasa rakaoma. (Mat. 24:14) Nguva dzose tinorwisana nenyama yedu isina kukwana. (VaR. 7:21-23) Uyezve, “tinorwa . . . nevatongi venyika [vane simba rinopfuura revanhu] verima rino.” (VaEf. 6:11, 12) Zvakajeka kuti tinoda kubatsirwa. Tingawana sei simba kubva kuna Jehovha?
2 Nomunyengetero: Jehovha anopa pachena mudzimu wake mutsvene une simba kuvashumiri vake vanoukumbira. (Ruka 11:13) Unoshayiwa chivimbo mumano ako okupupurira paimba neimba, pamugwagwa, kana kuti pafoni here? Unotya kupupurira zvisina kurongwa here? Kusakendenga kwevanhu vari mundima kwaderedza kushingaira kwako here? Zvakadini kana uchimanikidzwa kubvumirana pane zvisina kufanira pane zvaunotenda kana kutendeseka kwako? Vimba naJehovha. Nyengeterera simba.—VaF. 4:13.
3 Nokudzidza Tiri Toga: Sokuwana kwatinongoita simba nokudya zvokunyama, nokudaro tinosimbiswa mumudzimu nokuramba tichidya paShoko raMwari uye pamabhuku o“muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 4:4; 24:45) Paakabvunzwa kuti chii chakamupa simba rokutsungirira makore akawanda asina Bhaibheri muchitokisi chomuChina, Stanley Jones akati: “Tinogona kumira takasimba mukutenda. Chokwadi, tinofanira kutanga kudzidza. Hatiwani simba romukati kana tisingadzidzi.”
4 Nokupinda Misangano: Pane mumwe musangano wechiKristu muzana remakore rokutanga, Judhasi naSirasi “vakakurudzira hama nehurukuro dzakawanda vakadzisimbisa.” (Mab. 15:32) Saizvozvowo nhasi, zvatinonzwa pamisangano zvinosimbisa kuonga kwedu Jehovha, zvinovaka kutenda kwedu, uye zvinotikurudzira kuita ushumiri. Misangano inoita kuti nguva dzose tionane ‘nevashandi pamwe nesu nokuda kwoumambo hwaMwari,’ avo vari ‘yamuro inotisimbisa.’—VaK. 4:11.
5 Tinoda kubatsirwa mu“nguva [dzino] dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Tim. 3:1) Nezvevaya vanowana simba kubva kuna Jehovha, tinovimbiswa kuti: “Vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.”—Isa. 40:31.