RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/01 p. 1
  • Usazeza!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Usazeza!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Ku“uya Namashoko Akanaka Ezvinhu Zvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Kuita Ushumiri Hwepaimba Neimba Pasinei Nokuti Hwakaoma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Jehovha Ane Hanya Newe Zvechokwadi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • “Paimba Neimba”
    Imbirai Jehovha
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 7/01 p. 1

Usazeza!

1 Patinogadzirira kuenda kunoparidza pasuo nesuo, suo rinozezesa harisi rasaimba asi iko kutobuda pane redu. Kunzwa tisingakwanisi kungaita kuti tizeze kuenda kunotaurira “vanhu vose” chokwadi. (1 Tim. 2:4) Asi hatifaniri kunzwa tichizeza kuparidza mashoko akanaka. Nei?

2 Ishoko raJehovha: Jehovha akazivisa shoko rake nomuBhaibheri. Patinoendesa shoko iri kune vamwe, tiri kuvaudza pfungwa dzake, kwete dzedu. (VaR. 10:13-15) Vanhu pavanoramba shoko roUmambo, chaizvoizvo vari kuramba Jehovha. Asi hatiori mwoyo. Tinovimba kuti shoko iri richaita kuti vaya vanoshuva kuti mamiriro ezvinhu munyika achinje uye vanoziva zvavanoda mumudzimu vafarire.—Ezek. 9:4; Mat. 5:3, 6.

3 Jehovha Anokweva Vanhu: Munhu akamboramba kutiteerera munguva yakapfuura zvino angafarira nokuti mamiriro ake ezvinhu achinja uye mwoyo wake wapfava. Zvino Jehovha angamuratidza tsitsi dzake obva a“mukweva.” (Joh. 6:44, 65) Izvi pazvinoitika, tinoda kuva vakagadzirira kushandiswa naJehovha uye kubvuma kutungamirirwa nengirozi kuwana vakadaro.—Zvak. 14:6.

4 Mwari Anotipa Mudzimu Wake: Mudzimu mutsvene unoita kuti tikwanise kutaura ti“singatyi nesimba raJehovha.” (Mab. 14:1-3) Tikayeuka kuti tine tsigiro iyi yakasimba muushumiri hwedu, hatizozezi kutaura chokwadi kuvavakidzani, vatinoshanda navo, vatinodzidza navo, hama, kana vanhu vakadzidza zvikuru kana vanhu vakapfuma.

5 Jesu Akatidzidzisa Maitirwe Azvo: Jesu akashandisa mibvunzo inotokonya pfungwa, mienzaniso yakajeka, akashandisa Magwaro. Akatsanangura chokwadi nenzira iri nyore, inofadza, zvaibva pamwoyo pake. Nanhasi dzichiri nzira dzokushandisa dzakanakisisa. (1 VaK. 4:17) Tingaparidza mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, asi shoko roUmambo rine simba rinoramba riri rimwe chete.

6 Tine ropafadzo yokushandiswa naJehovha kubatsira vanhu munzira yakasiyana nedzimwe uye inokosha. Ngatiregei kuzeza! Ngatishingei tobvumira Jehovha ku“tizarurir[a] musuo wokutaura” kuti tigone kutaura mashoko akanaka kune vamwe.—VaK. 4:2-4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe