RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/01 p. 8
  • Svika Pamwoyo Pomudzidzi Wako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Svika Pamwoyo Pomudzidzi Wako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Chenjerera ‘Unyanzvi Hwako Hwokudzidzisa’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Batsira Vadzidzi Vako veBhaibheri Kuti Vabhabhatidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Kubatsira Mudzidzi weBhaibheri Kusvikira Abhabhatidzwa—Chikamu 2
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Nzira Yokuita Nayo Vadzidzi Nebhuku raZivo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 6/01 p. 8

Svika Pamwoyo Pomudzidzi Wako

1 Asati akwira kudenga, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vadzidzise vamwe “kuchengeta” zvinhu zvose zvaakanga arayira. (Mat. 28:19, 20) Kana munhu achizo“chengeta” mirayiro yaKristu, mashoko acho anofanira kusvika pamwoyo pake. (Pis. 119:112) Ungasvika sei pamwoyo pomumwe munhu wauri kudzidza naye Bhaibheri?

2 Nyengeterera Nhungamiro yaJehovha: Kuita vadzidzi ibasa raMwari. Chikomborero chake ndicho chinodiwa kuti tibudirire, kwete unyanzvi hwedu. (Mab. 16:14; 1 VaK. 3:7) Saka kunyengeterera kubatsirwa naJehovha kuti tidzidzise vamwe chokwadi kunokosha.—Isa. 50:4.

3 Nzwisisa Zvinotendwa Nomudzidzi: Kuziva zvinotendwa nevanhu uye kuti nei vachizvitenda kungaita kuti tinzwisise zvatingataura kuti tisvike pamwoyo yavo. Nei mudzidzi achiona dzidziso yakati ichifadza? Chii chakamuita kuti abvume kuti ndeyechokwadi? Zivo yakadaro ingatibatsira kuti titaure nenzwisiso.—Mab. 17:22, 23.

4 Kurukura Magwaro Zvinotevedza uye Zvinonzwisisika: Chokwadi chinofanira kunzwisisika kumudzidzi. (Mab. 17:24-31) Tinofanira kupa chikonzero chakanaka chetariro yedu. (1 Pet. 3:15) Zvisinei, nguva dzose ita kudaro nenzira yomutsa, yokushivirira.

5 Isimbise Nemienzaniso: Mienzaniso haingoiti kuti zviitire mudzidzi nyore kunzwisisa asi inokuchidzira mafungiro. Inobata zvose pfungwa nomwoyo. Jesu akaishandisa kakawanda. (Mako 4:33, 34) Chokwadi, kuti ubudirire, muenzaniso unoshandiswa unofanira kukodzera pfungwa iri kukurukurwa, uye unofanira kuva nechokuita noupenyu hwomudzidzi wacho.

6 Ratidza Zvakanakira Kubvuma Chokwadi: Vanhu vanoda kuziva zvakanakira kushandisa zvavari kudzidza. Batsira mudzidzi wako kuona uchenjeri hwemashoko aPauro ari pana 2 Timoti 3:14-17.

7 Usaora mwoyo kana vamwe vasingabvumi zvaunodzidzisa. Haisi mwoyo yose inogamuchira. (Mat. 13:15) Zvisinei, vamwe vanhu vanova vatendi. (Mab. 17:32-34) Kushingairira kwaunoita kusvika pamwoyo nemashoko akanaka ngakubatsire vakawanda kugamuchira uye “kuchengeta” zvakarayirwa naJesu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe