Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna June: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Isai pfungwa dzose pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringashandiswa; Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi. September: Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi.
◼ Nokuda kwevadzidzisi vanoratidza kufarira vhidhiyo inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault kana kuti vanoitisa makirasi okudzidzisa vanhu nezvoKuparadzwa Kukuru kwevaJudha muGermany, pane vhidhiyo yakapfupiswa yemaminitsi 28 yokuratidza mukirasi pamwe chete nemapeji 56 emirayiridzo. Kunyange zvazvo zvinhu izvi zvisingaparadzirwi neWatchtower Society, vadzidzisi kana kuti vadzidzi vangakumbira mashoko emawanire avangazviita nokunyorera kuSosaiti.
◼ Mumwedzi yaDecember, January, naFebruary, Horo dzoUmambo 19 dzakatsaurirwa munzvimbo dzinotevera:
Banket
Cement, Bulawayo
Chiare, Bocha
Dombomupunga, Honde Valley
Dungu, Bocha
Emganwini, Bulawayo
Florida, Mutare
Glen Norah, Harare
Gwanda
Magunje, Karoi
Manzvire, Chipinge
Mazimauya, Mutasa
Nkulumane, Bulawayo
Nyamukombe, Honde Valley
Nyaurombe, Honde Valley
Seke, Chitungwiza
Trojan Mine, Bindura
Vuzeze North, Masvingo
Vuzeze South, Masvingo
Tinofara kuti Jehovha ari kukomborera kuedza kunoita hama dzedu kugadzira nzvimbo dzakakodzera dzokunamatira. Kana ungano yenyu ichiri kuda Horo yoUmambo, madii kunyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha?