Kudzokorora Tichinyora Kwechikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari
Kudzokorora tichinyora kunoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari nokuda kwamavhiki aSeptember 4 kusvikira kuna December 18, 2000. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mokudzokorora tichinyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura mutsetse mumwe nomumwe unotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Dhavhidhi akadzivisa Abhishai kuuraya Shimei nokuti Dhavhidhi aiva nemhaka yezvaaipomerwa naShimei. (2 Sam. 16:5-13) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 5/1 peji 32 ndima 3.]
2. Hana yakachena, yakarovedzwa zvakafanira haingoiti kuti pave noukama hwoushamwari, hwomunhu oga naMwari asi inokosha kana tichizoponeswa. (VaH. 10:22; 1 Pet. 1:15, 16) [w98-CA 9/1 peji 4 ndima 4]
3. Nhoroondo iri pana 1 Madzimambo inongova noukoshi hwenhau hushoma nokuda kwomuKristu nokuti vaviri bedzi vamadzimambo 14 akatonga muIsraeri neJudha Soromoni afa vakabudirira kuita zvakanga zvakarurama mumaziso aJehovha. [si-CA peji 64 ndima 1]
4. Kutonga kwaJesu kweMakore Ane Chiuru kungaenzaniswa nokutonga kwaSoromoni kune rugare nokunobudirira kwemakore 40. (1 Madz. 4:24, 25, 29) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w90-CA 6/1 peji 6 ndima 5.]
5. Kuvigwa zvakanaka kwaAbhija uchapupu hwakajeka hwokuti aiva munamati waJehovha akatendeka, mumwe bedzi kubva muimba yaJerobhoami. (1 Madz. 14:10, 13) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w95-CA 4/1 peji 12 ndima 11.]
6. Kubhabhatidzwa kwechiKristu kunoratidza kuti munhu ava mushumiri waMwari akura. [w98-CA 10/1 peji 28 ndima 2]
7. Jehovha akasimbisa Eriya nokushinga kunodarika kwomunhu ndokumudzivirira kuti asatya. (1 Madz. 18:17, 18, 21, 40, 46) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 1/1 peji 31 ndima 2.]
8. Temberi yaSoromoni chivako chinokosha kwete bedzi nemhaka yembiri yayo uye kunaka kwezvinhu asi nemhaka yokufanofananidzira kwainoita temberi yomudzimu yaJehovha ine mbiri zvikuru. [si-CA peji 69 ndima 26]
9. Upofu hwakaunzwa pauto rehondo ravaSiriya neshoko raErisha sezviri pachena hwaiva upofu hwepfungwa sezvo vaigona kuona Erisha asi vasingagoni kuziva kuti aiva ani. (2 Madz. 6:18, 19) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona si-CA mapeji 70-1 ndima 10.]
10. Kuisa “Chipupuriro,” kwakataurwa pana 2 Madzimambo 11:12, kwaiva chiito chokufananidzira chinoratidza kuti kududzira kwamambo Mutemo waMwari kwakanga kusingapikiswi uye kwaifanira kuteererwa. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w91-CA 2/1 peji 31 ndima 6.]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Maererano na1 Johani 2:15-17, vabereki vanoda Mwari vanofanira kukurudzira vana vavo kudzivisei pavanovatungamirira kusarudza basa rokunyika rakafanira? [w98-CA 7/15 peji 5 ndima 3]
12. Nei zvisingakoshi kuti vakawanda vari muungano vapedze usiku pamusha peChapupu chafa, kana kuti vakuru vape hurukuro manheru oga oga mariro asati aitwa? [w98-CA 7/15 peji 23 ndima 1]
13. Nhasi ndivanaani vangaenzaniswa nehama dzaGoriati, vaRefaimi, uye chii chavanoedza kuita? (2 Sam. 21:15-22) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w89-CA 1/1 peji 20 ndima 8.]
14. Ndeipi nheyo yeBhaibheri inobatsira yatinodzidza pana 2 Samueri 6:6, 7? [si-CA peji 63 ndima 30]
15. Inheyoi inokosha ingadzidzwa muchiitiko chomunhu akaurayirwa kuputsa Sabata? (Num. 15:35) [w98-CA 9/1 peji 20 ndima 2]
16. Chii chatingaita kuti titevedzere mambokadzi weSheba, akafamba rwendo rurefu kuti azonzwa ‘kuchenjera kwaSoromoni’? (1 Madz. 10:1-9) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 7/1 peji 31 ndima 1-2.]
17. Maererano na1 Madzimambo 17:3, 4, 7-9, 17-24, munzirai nhatu umo Eriya akaratidza kutenda muna Jehovha? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 4/1 peji 19 ndima 5.]
18. Nei kuramba kwaNabhoti kupa munda wake wemizambiringa kuna Ahabhi kwakanga kusingaratidzi kuti akasindimara? (1 Madz. 21:2, 3) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 8/1 peji 13 ndima 18.]
19. Mashoko ari pana 2 Madzimambo 6:16 anokurudzira sei vashumiri vaJehovha nhasi? [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 6/15 peji 18 ndima 5.]
20. Nhasi vaKristu vechokwadi vanofanira kudzivisa usimoni munzirai? [w98-CA 11/15 peji 28 ndima 5]
Ipa (ma)shoko kana kuti chitsama chamashoko anodiwa kupedzisa mutsetse woga woga unotevera:
21. MuKristu wechokwadi haafaniri ․․․․․․․․ ndokuita tsika dzisingafadzi ․․․․․․․․. (Zvir. 29:25; Mat. 10:28) [w98-CA 7/15 peji 20 ndima 5]
22. Achipa uchapupu pamberi paMambo Agripa, Pauro akashandisa ․․․․․․․․, achisimbisa pfungwa idzo iye naAgripa ․․․․․․․․. (Mab. 26:2, 3, 26, 27) [w98-CA 9/1 peji 31 ndima 3]
23. Nemhaka yokuti Mwari ․․․․․․․․, vamwe vangafunga kuti haasi munhu, asi kugaro-․․․․․․․․ uye kufungisisa kuchagonesa munhu ku‘ona Uyo asingaoneki.’ (VaH. 11:27) [w98-CA 9/15 peji 21 ndima 3-4]
24. Sezvinoonekwa mune zvakaitika kumukuru weuto reSiriya ․․․․․․․․, dzimwe nguva tinobatsirwa zvikuru nokungo-․․․․․․․․ zvishomanana. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w99-CA 2/1 peji 3 ndima 6–peji 4 ndima 1.]
25. Sezvo mwoyo waJehonadhabhi waiva wakarurama kuna Mambo Jehu, ․․․․․․․․ nhasi rinoziva nomwoyo wose uye rinoshanda naJehu Mukuru, ․․․․․․․․, anomiririrwa pasi pano na-․․․․․․․․. (2 Madz. 10:15, 16) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w98-CA 1/1 peji 13 ndima 5-6.]
Sarudza mhinduro yakarurama mumutsetse woga woga unotevera:
26. Aiva (Satani; Jehovha; Joabhi) akakurudzira Dhavhidhi kuita chivi no‘kuverenga vaIsraeri.’ (2 Sam. 24:1) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 7/15 peji 5 ndima 2.]
27. Maererano na1 Madzimambo 8:1 uye Muparidzi 1:1, Soromoni akaunganidza vanhu kuti (vavake temberi; vatsvake vavengi vaIsraeri; vanamate Jehovha). [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona si-CA peji 112 ndima 3.]
28. Makore 20 ayo Soromoni akavaka temberi neimba yake muJerusarema anoenzaniswa nenguva yegadziridzo yedzidziso uye yesangano yakavamba muna (1919; 1923; 1931) uye yakaguma muna (1938; 1942; 1950). (1 Madz. 9:10) [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w92-CA 3/1 peji 20 bhokisi.]
29. Shoko rokuti “denga” sokushandiswa kwarakaitwa pana 2 Madzimambo 2:11 rinoreva (nzvimbo yomudzimu yokugara yaMwari; zviri muchadenga; nzvimbo yomumhepo nechapamusoro papasi, uko shiri dzinobhururuka uye mhepo dzinovhuvhuta). [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 9/15 peji 15 bhokisi.]
30. (Herodhi Mukuru; Kesari Agasito; Tibheriyo Kesari) ndiye akarayira kuverengwa kwavanhu kwakaguma nokuberekerwa kwaJesu muBheterehema pane muNazareta. [w98-CA 12/15 peji 7 bhokisi]
Wiriranisa magwaro anotevera nemitsetse yakarongwa pasi apa:
Pis. 15:4; 2 Sam. 12:28; 15:18-22; 2 Madz. 3:11; VaK. 3:13
31. Musoro mugadziriro yaJehovha yezvokunamata unofanira kuremekedzwa. [si–CA peji 63 ndima 30]
32. Kuvimbika kusangano raJehovha navamiririri varo kunofanira kuchengetwa. [si-CA peji 63 ndima 30]
33. Kuonga ngoni dzaJehovha kungakurudzira mumwe kuti azvidzore ndokufukidza zvikanganiso. [w98-CA 11/1 peji 6 ndima 3]
34. Iropafadzo kuratidza mutsa uye kushumira nokuzvininipisa vashumiri vaJehovha vakatendeka vari mubasa rinokosha. [Kuverenga Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w97-CA 11/1 peji 30 ndima 8.]
35. Munhu anotya Mwari anoita zvaanogona kuti achengete shoko rake rokubhadhara zvikwereti zvake, kunyange kana mamiriro ezvinhu asingafanooneki achiita kuti zviome kwazvo pane zvinotarisirwa. [w98-CA 11/15 peji 27 ndima 1]