Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna November: Kuparadzirwa kweMashoko oUmambo Nha. 36 kuchapfuurira. Ungano dzinopedza ndima dzadzo nokuendesera vanasaimba vapamusha mumwe nomumwe Mashoko oUmambo Nha. 36 dzingagovera bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo. December: Bhuku rinonzi Zivo neShanduro Yenyika Itsva. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1986 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzine bhuku rinonzi Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu dzingarigoverawo. February: Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, kana kuti bhuku ripi neripi rekare rine mapeji 192.
◼ Kana basa rokuparadzira Mashoko oUmambo rapera, ungano dzinenge dzichine Mashoko oUmambo Nha. 36 dzingakurudzira vaparidzi kurigovera sokugovera kwavanoita maturakiti—paimba neimba uye kune imwe nzvimbo. Kana zvakakodzera, vaparidzi vangasiya rimwe pane vose vasiri paimba, vachiva nechokwadi chokuti harigoni kuonekwa nevanopfuura nenzira. Kuedza kugovera maturakiti ose asara eshoko iri rinokosha kunofanira kuitwa.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waDecember 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha 2001 Yearbook of Jehovah’s Witnesses neodha dzadzo dzamabhuku aNovember. Yearbook yacho ichawanikwa muchiRungu neZulu. Yearbook iyi ichaoneka papepa remabhuku atumirwa reungano yakanzi “Zvakamirirwa,” kusvikira yava kuwanikwa uye yatumirwa. MaYearbook zvinhu zveodha chaiyo.
◼ Dzimwe ungano hadzisi kuodha mabhuku eChidzidzo Chebhuku Cheungano kana kuti okushandisa mubasa romumunda kuchine nguva yakawanda mberi, sezvakakurudzirwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Somugumisiro, vaparidzi vanenge vasina mabhuku ari kudzidzwa kana kuti ari kugoverwa mumunda. Vamwe vakuru vanouya kuhofisi yedu muna Beema Road vachiodha mabhuku akawanda kana kuti mafomu. Tingada kusimbisa kuti hatichachengeti mabhuku namafomu akawanda pabazi redu. Odha dzose dzeungano DZINOFANIRA kutumirwa nesu kubazi reSouth Africa kuchine vhiki dzinenge nhanhatu kusvika kusere.