RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/00 p. 1
  • Teerera Mabasa Anoshamisa aMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Teerera Mabasa Anoshamisa aMwari
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Vaiti Veshoko raMwari Vanowana Mufaro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Vaiti Veshoko” Vanofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Iwe Uchati, “Ndiri Pano! Nditumei” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Kubatsirwa Kwatinoitwa naJehovha Kuti Titsungirire Tichifara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 10/00 p. 1

Teerera Mabasa Anoshamisa aMwari

1 Kwemazuva matatu akaisvonaka, takaungana paKokorodzano Yoruwa ye“Vaiti veShoko raMwari.” Takamborega kufunga zvinodiwa zvoupenyu zvamazuva ose ndokuisa pfungwa pamabasa anoshamisa aJehovha. Purogiramu yacho yakanga yakagadzirirwa kuwedzera kutenda kwedu muna Mwari neShoko rake, kusimbisa ukama hwedu naye, uye kuwedzera kushingairira kwatinoita ushumiri. Tiri kubatsirwa sei nezvinhu zvatakadzidziswa?—Joh. 13:17.

2 Mhuri Dzinoteerera Shoko raMwari: Hurukuro yokusiyirana yaiti “Teerera Shoko raMwari” yakatibatsira kuongorora mamiriro ezvinhu zvomudzimu emhuri dzedu. Vana vanoda kudzidza. Saka, vabereki vanoda Mwari vakakurudzirwa kuita chidzidzo cheBhaibheri chemhuri hwaro hwokuvaka imba yakasimba mumudzimu. Misoro yemhuri yakawanda iri kukurukura navaduku vayo bhurocha idzva rinonzi Unogona Kuva Shamwari yaMwari! Izvi zvichavabatsira kutanga ukama hunofadza nohwakachengeteka naJehovha. Vabereki, dzidzisai vana venyu kuteerera kwavangaita pfungwa dzaMwari. Ivai vakajeka mukumuda kwamunoita iye nezviito zvake. (Pis. 103:2) Shandai pamwe chete kuti mugadze nokusvitsa vavariro dzomudzimu uye kushumira Jehovha zvakazara.

3 Shoko raMwari Rinovheneka Nzira Yedu: Takafara kugamuchira bhuku idzva rinonzi Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I. Wava papi nokuverenga bhuku rokutanga iri? Bhuku raIsaya rinofanotaura kutongwa kunosuruvarisa kwamarudzi asingadi Mwari uyewo zvikomborero zvoUmambo zvakajeka nokuda kwavanhu vaMwari. (Isa. 34:2; 35:10) Rinovakawo kutenda nechivimbo muna Jehovha nomunzira yake yokuita zvinhu.—Isa. 12:2-5.

4 Pakuverenga bhuku rinonzi Uprofita hwaIsaya I, kubva kumavambo unogona kuziva kuti Isaya akaramba akavimbika sei kuna Jehovha nepo uipi hwakanga hwakamupoteredza. Paakakumbirwa kuva nhume yaMwari, Isaya akapindura achiti: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isa. 6:8) Kufungisisa nezvokuda kwake kuchakukurudzira kuramba uchiparidza mashoko akanaka, uchishanda zvakazara mukupa “uchapupu kumarudzi ose.”—Mat. 24:14.

5 Kuteerera kwatinoita mabasa aJehovha kuchaita kuti ukuru hwake huwedzere. Saka ongai ropafadzo yokuva vaiti veshoko raMwari!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe