“Basa Renyu Harisi Pasina”
1 Ipfungwa inokurudzira zvakadini! Kushanda kwamunoita mubasa raJehovha hakusi pasina. (1 VaK. 15:58) Kusiyana neizvi, fungai kuti vanhu vanoshanda sei nguva yakareba uye zvakaoma vachiedza kuvandudza mamiriro oupenyu, kana kuti mamiriro ezvinhu emari. Vangatsvaka dzidzo yapamusoro kwemakore kana kuti vangashanda sevaranda kuti vabudirire mune zvokunyama. Asi, nemhaka ye“nguva nezvinoitika,” vangasambowana mukurumbira wavari kutsvaka, kana kuti vangamanikidzwa kugutsikana nezvishoma-shoma pane zvavanoda zvokunyama. So“kudzingana nemhepo bedzi,” zvavanoedza kuita hazvina maturo. (Mup. 1:14; 9:11) Saka zvinokosha sei kuti tine zvakawanda zvokuita mubasa roga rine maturo nokuti rine mubayiro wechigarire!
2 Basa Rinokosha Chaizvoizvo: Kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ndiro basa rinokosha kupfuura mamwe ose pasi pano. Ndiro basa rinofanira kuitwa kunyange vanhu vachiteerera kana kuti kwete. Tinoda kukwanisa kutaura, sezvakaita Pauro kuti: “Ndakachena paropa revanhu vose, nokuti handina kurega kukuudzai zvose zvinodiwa zvaMwari.”—Mab. 20:26, 27.
3 Vanhu pavanoteerera ndokubvuma shoko roUmambo, mufaro wakadini unovapo! Mumwe mukadzi wechiduku akafirwa naamaiguru vake. Akashamisika kuti amaiguru vake vakanga vaenda kupi—kudenga here kana kuti kuhero? Akanyengetera kuna Mwari kuti abatsirwe, achishandisa zita rokuti Jehovha, sezvaakanga adzidziswa kuita nomukoma wake. Munguva pfupi yakatevera akanga ava kudzidza Bhaibheri nokupinda misangano yechiKristu. Akawana pfungwa itsva chose muupenyu uye akarega kushamwaridzana kwaaiita nezvikwata zvomumugwagwa. Mukadzi wechiduku wacho akarega kusvuta, kushandisa zvinodhaka, uye kuba. Anobvuma kuti: “Kuda Jehovha bedzi kwakandiita kuti ndisiye mararamire akaipa kudaro. Jehovha bedzi mungoni dzake huru aigona kundipa tariro youpenyu husingaperi.” Haachapedzeri upenyu hwake achitsvaka zvinhu zvisina maturo.
4 Kunyange apo vanhu vanoramba kuteerera, unenge watoita chimwe chinhu chinokosha. Vanoziva kuti Zvapupu zvaJehovha zvakavashanyira. Kuvimbika kwako pachako, kutendeka, uye rudo zvinosimbiswa. Saka, kushanda kwaunoita mubasa raShe kuri pasina here? Aiwa!