RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/00 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 5/00 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna May: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Garai mune bhurocha rinonzi Anodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. June: Mwari Anodei Kwatiri? Vavarirai kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringagoverwa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza? Ko Iyo Iriko Chaizvoizvo Here?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Unofanira Kudavira Utatu Here? uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.

◼ Mutariri anotungamirira anofanira kuridzira Sosaiti runhare kana asina kugamuchira odha yeungano yoUshumiri Hwedu hwoUmambo panosvika musi wa25 wemwedzi unotangira musi woUshumiri Hwedu hwoUmambo hwacho.

◼ Tinoona zvichidiwa kuti tiyeuchidze vaparidzi vose kuti kero yeSosaiti isamboshandiswa patsamba dzipi nedzipi dzomunhu oga. Izvi zvinosanganisira tsamba dzose nemabhuku zvinotumirwa kupupurira vanhu vanofarira, vasiri pamba, kana kuti vaya vanogara munzvimbo dzinonetsa kusvika. Pamunopupurira netsamba, shandisai kero yenyu pachenyu nokuda kwemhinduro kana kuti kero yeHoro yoUmambo yomunharaunda imomo. Tapota musashandisa kero yeSosaiti.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waJune 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waraviwa.

◼ Sosaiti ichine mabhuku ekare anotevera muchiShona. Ungano dzinokurudzirwa kuaodha ndokuashandisa mubasa kakawanda sekanobvira. Mabhuku aya ane mashoko akakodzera nguva anofanira kuudzwa vanhu kuti vabatsirwe.

Chengeteko Yenyika Yose Mukudzora kwo“Muchinda Worugare”, Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano (Guru), Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?, Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi. chiShona

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe