Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna April naMay: Kugovera magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai! Garai mune bhurocha rinonzi Anodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. June: Mwari Anodei Kwatiri? Vavarirai kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringagoverwa: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, Unofanira Kudavira Utatu Here? uye Zita raMwari Richagara Nokusingaperi.
◼ Kutanga muna April, mabheji ekokorodzano yoruwa a2000 uye zvibatiso zvemabheji zvepurasitiki zvinofanira kuodwa paFomu Rokuodha Mabhuku (S-14).
◼ Sosaiti ine mabhaundi vhoriyamu echiNGEZI eNharireyomurindi emakore a1952 kusvika kuna 1959, 1996, na1998, uye eMukai! emakore a1993 na1996. Vaparidzi kana ungano itsva dzinoda mabhuku aya zvino dzingaaodha Nokumutarisiri wemabhuku eungano.
◼ Mutariri Webasa: Panguva ino munofanira kuva mava kupedzisa gadziriro dzokushanda ndima isina kugoverwa. Makakumbira Sosaiti ndima here kana muri kuronga kushanda ndima isina kugoverwa? Kana muchida kubatsira ungano isingawanzopedza ndima yayo, makataura nomutariri anotungamirira weungano iyoyo here muchimuudza nezvomusi wenyu wokusvikako uye kuti vangani vachauya?
◼ Sosaiti inoonga zvikuru kushingaira kwevaya vanokwanisa kupedza mwedzi kana kupfuura vari kundima isina kugoverwa. Nokuita izvi, vanokwanisa kutevera kufarira kupi nokupi kunoratidzwa. Vaparidzi vanoda kuita izvi vanofanira kugona kuzvitsigira nemari pavanenge variko uye havafaniri kutarisira kuti hama dzomunharaunda iyoyo kana kuti vanhu vanofarira vachavatarisira. Shoko renyevero ndeiri: Sosaiti haibvumiri mapoka ehama nehanzvadzi dzechiduku dzisina kuroora kana kuroorwa kuti dziende kunoshanda dzoga mundima dzakadaro.
◼ April mwedzi wedu chaiwo apo tose tinokurudzirwa kushanda zvakazara mubasa rokuparidza. Iyi ndiyo nzira imwe yatinoratidza nayo kuonga kuratidzwa kukuru kworudo kuviri kwakaitwa naJehovha naJesu Kristu. Mukuwedzera kukurudzira vaparidzi vose kushanda mubasa, tinokurudzira vose kushuma basa ravo nokukurumidza panopera mwedzi. Kana vose vakashandira pamwe, tinotarisira kuva neimwe nhamba yepamusoro yevaparidzi mwedzi uno.