RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/00 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 3/00 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichanyatsoedza kuti titange fundo dzeBhaibheri dzapamusha. April naMay: Kugovera magazini imwe neimwe yeNharireyomurindi neMukai! Garai mune bhurocha rinonzi Anodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. June: Mwari Anodei Kwatiri? Vavarirai kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha.

◼ Vaparidzi vanoda kushanda semapiyona ebetsero muna April naMay vanofanira kuita zvirongwa zvavo zvino ndokuunza mafomu avo nokukurumidza. Izvi zvichabetsera vakuru kuita gadziriro dzebasa romumunda dzinodiwa nokugara vane magazini uye mamwe mabhuku zvakaringana. Mazita avose vakatenderwa kuva mapiyona ebetsero anofanira kuziviswa kuungano mwedzi mumwe nomumwe.

◼ Ushumiri Hwedu hwoUmambo huno hune purogiramu yakakwana yokudzidza bhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! Ungada kuita fotokopi ndokuiisa mubhuku rako kuti upote uchitarisa zviri nyore.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi wa1 March kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waraviwa.

◼ Chirangaridzo chichaitwa musi weChitatu, 19 April 2000. Kana ungano yenyu ichiwanzova nemisangano musi weChitatu, iyi inofanira kuchinjirwa kune rimwe zuva revhiki kana Horo yoUmambo isingashandiswi. Kana izvi zvisingaiti uye Musangano wenyu Webasa uchidzongonyedzwa, hurukuro dzinonyanyoshanda kuungano yenyu dzingabatanidzwa pane mumwe Musangano Webasa.

◼ Vaya vanosonganira neungano vanofanira kutumira kuzvinyoresa kugamuchira Nharireyomurindi neMukai! kwose kutsva nekwokumutsidzira, kubatanidza kuzvinyoresa kwavo ivo pachavo, nokuungano.

◼ Sosaiti haiiti odha dzemabhuku dzemunhu oga dzevaparidzi. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chiitwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano isati yatumirwa kuSosaiti kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku omunhu oga vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota yeukai kuti mabhuku api ari zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Mutariri webasa anofanira kuyeuka kuita gadziriro chaidzo dzebasa romumunda dzemazororo anotevera: 18, 21, 24 April uye 1 May.

◼ Mazororo echikoro achatanga musi wa7 April kusvika musi wa8 May uye vaparidzi vedu vaduku vanokurudzirwa kuti vafunge nezvokuwedzera basa ravo romumunda panguva iyoyi. Vanofanirawo kufungisisa mukana unopiwa nemazororo wokuti vaite upiyona hwebetsero.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe