Kuvandudzwa Kunoitwa Mano Okufunga
1 Kumwe kurondedzerwa kweshoko rokuti “kufunga” kunoreva “kutaura nomumwe munhu kuti ugochinja maitiro kana kuti pfungwa dzake.” Kuti uvandudze kubudirira kwako muushumiri, unofanira kushandira kuva nemano okufunga nevaya vaunosangana navo. (Mabasa 17:2-4) Asi ungavandudza sei unyanzvi uhwu?
2 Kunotanga Nokufungisisa: Pakudzidza chokwadi cheBhaibheri, uchawana zvichibetsera kufungisisa zvaunodzidza. Kana zvimwe zvezvaunodzidza zvakati omei, tora nguva yokunzvera ndokufungisisa mhinduro dzacho. Edza kunzwisisa zvakajeka kwete chete zvinotsanangurwa zvacho zviripo asiwo zvikonzero zveMagwaro nokuda kwetsananguro dzacho.
3 Kugadzirira Ushumiri Kunobatanidzwa: Funga nezvematsanangurire awaizoita chokwadi kuvanhu vamarudzi akasiyana-siyana. Gadzirira mubvunzo unoita kuti vanhu vafunge kuti umutse kufarira. Funga kuti ungaisa sei pfungwa yoRugwaro ndokufunga nezvarwo. Tarisira zvirambidzo zvingangomutswa, uye funga kuti zvingakurukurwa sei. Ratidza pfungwa huru inganyatsoshanda iri mubhuku riri kugoverwa.
4 Tevedzera Muenzaniso waJesu: Jesu akagadza muenzaniso wakaisvonaka wokufunga unonyatsobudirira kubva muMagwaro. Kuti uongorore madzidzisire aakaita, funga nezvenhoroondo inowanikwa pana Ruka 10:25-37. Cherechedza izvi zvinotevera: (1) Paunopindura mibvunzo yavanhu vaite kuti vazive Magwaro. (2) Vakumbire kuti vataure mafungire avo, uye varumbidze pavanotsinhira zvinonzwisisika. (3) Iva nechokwadi chokuti kubatana kwomubvunzo neMagwaro zvinoramba zviri pachena. (4) Shandisa muenzaniso unofadza mwoyo kuti uve nechokwadi chokuti zvinoreva mhinduro yacho zvanzwisiswa.—Ona Nharireyomurindi yaAugust 15, 1986, mapeji 27-28, ndima 8-10.
5 Shandisa Chishandiso Chatakapiwa: Bhuku rinonzi Kurangarira muMagwaro rakabudiswa sebhuku romuushumiri hwomumunda riri nyore kutakura. Sumo dzaro, mhinduro dzaro kuvadzivisi vokukurukurirana vangatarisirwa, uye mashoko aro okufunga zvinotibetsera kuvandudza mano okufunga. Bhuku rinonzi Kurangarira chishandiso chinokosha chatinofanira kugara tichitakura mubasa uye chatisingafaniri kutya kushandisa patinokurukura Bhaibheri. Dzokorora mapeji 7-8 ebhuku racho kuti uone kushandiswa zvakanaka kwaringaitwa zvikuru.
6 Kuvandudza mano ako okufunga kuchawedzera unyanzvi hwako mubasa rokuparidza nokudzidzisa. Izvi zvichaguma nezvikomborero zvakawanda kwauri uye kune vaya vaunosangana navo muushumiri.