RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 2/00 p. 1
  • “Paridza Shoko . . . Nokukurumidza”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Paridza Shoko . . . Nokukurumidza”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Ramba Uine Pfungwa Yokuti Nguva Yapera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Minda Yachenera Kukohwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Kupupura Zvakasimba Mugumo Zvaunoswedera Pedyo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Ivai Vashandi Vanokohwa Vachifara!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 2/00 p. 1

“Paridza Shoko . . . Nokukurumidza”

1 Kana ukagamuchira chimwe chinhu chakanzi “KURUMIDZA,” unochiona sei? Shoko rokuti “kurumidza” rinoreva kuti “zvinoda kuitwa pakarepo.” Nechikonzero chakanaka, muapostora Pauro akarayira vaKristu ku“paridza shoko . . . nokukurumidza.” (2 Tim. 4:2) Unobvuma nokuita basa iri pakarepo here?

2 Zvingave zvakashumwa kuna Pauro kuti vamwe vehama dzake vairatidza muitiro ‘wousimbe pabasa ravo’ sevaKristu. (VaR. 12:11) Izvi zvakaderedza migumisiro yemabasa avo pamwe chete nomufaro wavangadai vakawana nokubetsera vamwe.

3 Maonero Aiita Jesu Ushumiri: Mufaro wakadini wakawanwa naJesu paaiita ushumiri hwake! Akati: “Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite kuda kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.” Muenzaniso waJesu wakakurudzira vadzidzi vake, vaakakurudzira nokuvaudza kuti ‘minda yachenera kukohwa.’ (Joh. 4:34, 35) Pfungwa yokukurumidza yaakaratidza muushumiri hwake hwose yaiva pachena paakaudza vadzidzi vake kuti “kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Mat. 9:38) Jesu aiziva kuti basa rake raiva rokuparidza, uye akanga akatsunga kusarega chimwe chinhu chichimudzivisa kuita kudaro.

4 Zvakadini Nesu? Nhasi, kune kukurumidzira kukuru kupfuura nakare kwose kwokupfuurira nebasa rokuparidza. Munzvimbo dzakawanda dzenyika, minda yaibvira kukohwa. Kunyange munyika dzinoratidzika sedzakapupurirwa zvikuru, zviuru zviri kubhabhatidzwa gore negore. Nokuguma kwegadziriro ino yezvinhu kuri kusvika nokukurumidza, kune “zvakawanda zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58) Kupfuura imwe nguva ipi neipi, zvinokosha kuti tizvishandise nesimba mukugovana shoko roUmambo nevamwe.

5 Ngatibatanidzwe zvakazara mukuzivisa vamwe mashoko akanaka, paimba neimba uye kwose kwose zvakwo kunogona kuwanikwa vanhu mundima. Nokugovana zvakazara sezvatingagona mubasa rokuparidza, tinonyatsoratidzira kuti taisa Umambo pakutanga muupenyu hwedu. (Mat. 6:33) Kutendeka kwedu mukuparidza shoko nokukurumidza kuchatiunzira mufaro mukuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe