Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1986 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzisina mugove wemabhuku akadaro dzingagovera bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. February: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. April: Kuzvinyoresa kugamuchira Nharireyomurindi neMukai! Garai mune bhurocha rinonzi Anodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha.
◼ Vaparidzi vose vakabhabhatidzwa vanenge varipo paMusangano Webasa vhiki ya10 January vangawana kadhi reAdvance Medical Directive/Release uye Identity Card revana vavo.
◼ Kutanga muna February, uye 5 March asati asvika, hurukuro yavose itsva yevatariri vematunhu ichava yokuti “Amagedhoni Chaiyoiyo—Nei? Rini?”
◼ Ungano dzinofanira kugadzirira pachine nguva kuti dzichengete Chirangaridzo gore rino musi weChitatu 19 April, zuva ranyura. Kunyange zvazvo hurukuro yacho ingakurumidza kutanga, kupfuudzwa kwezviratidzo zveChirangaridzo hakufaniri kutanga kusvikira zuva ranyura. Kurukurai nevaridzi vomunharaunda yacho kuti muone nguva inovira zuva munzvimbo yenyu. Kunyange zvazvo zvichidiwa kuti ungano yoga yoga ichengete Chirangaridzo chayo yoga, izvi zvingasaita nguva dzose. Uko ungano dzakawanda dzinowanzoshandisa Horo yoUmambo imwe chete, zvichida ungano imwe kana dzinopfuura dzinogona kushandisa imwe nzvimbo manheru iwayo. Pazvinenge zvichiita, tingangoti zvakanaka kuti mapurogiramu acho asiyane nemaminiti anenge 40 kuitira kuti vose vabatsirwe zvakazara nenguva yacho, zvichipa nguva yokukwazisa vashanyi nokukurudzira vachangobva kufarira. Panofanira kufungwawo nezvezvinetso zvemotokari uye pokudzipakira, kubatanidza kuburutswa nokutakurwa kwevanhu. Dare revakuru rinofanira kusarudza kuti igadziriro dzipi dzingava dzakanakisisa munharaunda yavo.
◼ Hurukuro yavose chaiyo yemwaka weChirangaridzo cha2000 ichapiwa musi weSvondo, 16 April. Musoro wehurukuro yacho uchava wokuti “Nei Vanhu Vachida Rudzikinuro.” Ndaza ichagoverwa. Ungano dziya dzichange dzichishanyirwa nomutariri wedunhu, dzine gungano redunhu, kana kuti zuva regungano chairo kupera kwevhiki iyoyo dzichava nehurukuro yacho vhiki inotevera yacho. Hapana ungano inofanira kuva nehurukuro chaiyo 16 April, 2000 asati asvika.