Kuita Kuti Zita raJehovha Rizivikanwe Panyika Yose
1 Jesu paakatuma vadzidzi vake kuti vave zvapupu “kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi,” akanga atovagadzira muenzaniso wokuti vatevedzere. (Mabasa 1:8) Nguva ipi neipi uye chero kupi nokupi kwaaiwana vanhu, aitaura nezvechinangwa chaMwari nokuda kwevanhu. Richitevedzera Jesu, boka romuranda akatendeka riri kushandisa nzira dzakawanda dzakasiyana-siyana dzokuti zita raJehovha ri“zivikanwe panyika yose.”—Isa. 12:4, 5.
2 Chii Chaiitwa Mumazuva Akapfuura: Mumakore akapfuura, mharidzo dzaibudiswa mumapepanhau; “Photo-Drama of Creation” yakabudiswa ndokuratidzwa kumamiriyoni; motokari dzaiva negudzanzwi dzakashandiswa; uye giramufomu rakashandiswa zvakanyanya, uye kwenguva yakati, redhiyowo—zvose zvichiitirwa kuparidza mashoko akanaka. Chokwadi, zvave zvichinyanya kusimbiswa nguva dzose ndezvokuonana nevanhu kuitira kuti kufarira kunenge kwawanwa kugogona kusakurirwa. Somugumisiro, ushumiri hwapaimba neimba hwaratidza kuva nzira inobudirira kwazvo yokuita kuti zita raJehovha rizivikanwe kwose kwose.—Mabasa 5:42.
3 Chii Chiri Kuitwa Muzuva Redu: Nokuchinja kwenguva nyika iri kufamba nechimbi-chimbi, uye munzvimbo zhinji vanhu havawanzowanikwa pamba. Vashomanana vanoda kupedza nguva vachirava nokufungisisa zvinhu zvomudzimu. Saka tinofanira kuchinja ushumiri hwedu nenzira inowirirana. Uyezve kuti tirambe tichishanda ndima yose yepaimba neimba, tave tichikurudzirwa kuenda kune vanhu uye ku“gara [t]akagadzirira” kuzvidzivirira nokuda kwetariro iri matiri. (1 Pet. 3:15) Izvi zvinoreva kuedza kuparidzira vatinoshanda navo, vatinodzidza navo kuchikoro, kuvanhu vari mumugwagwa uye mupaka kana kuti munopakwa motokari, pachitoro nechitoro, uye kupi nokupi kungawanikwa vanhu. Tichitsigirwa naJehovha, kuedza kwedu kunobudirira zvikuru. Uri kuenda kwose kwose kune vanhu here?
4 Somunhu mumwe nomumwe ngatiedzei nenzira yose inobvira kuita kuti zita raJehovha rizivikanwe mundima yedu. Tingawana kugutsikana kukuru mukunyatsoita ushumiri hwedu, sezvatinotarira kuna Jehovha kuti akweve vanhu vane mwoyo yakarurama.—Joh. 6:44.