Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna October: Kuzvinyoresa kugamuchira Nharireyomurindi ($120 gore rimwe; $60 mwedzi mitanhatu) neMukai! ($60 gore rimwe). Uko fariro inowanikwa pashanyo dzedzokerero, edzai kutanga fundo yeBhaibheri muchishandisa bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo. November: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. January: Bhuku ripi neripi rine mapeji 192 rakabudiswa 1986 asati asvika iro ungano ingava naro. Ungano dzisina mugove wemabhuku akadaro dzingagovera bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano.
◼ Wedzero iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno ndeye“Purogiramu yeChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari ya2000” uye inofanira kuchengetwa nokuda kwekushandiswa muna 2000 mose.
◼ Kana nguva yemisangano yeungano yenyu ichichinja musi wa1 January, pangada kuti muodhe mahendibhiri matsva anoratidza nguva yakachinjwa yemisangano.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—2000, uye Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2000 paodha yadzo yemabhuku aOctober. Izvi zvichawanikwa muChichewa, chiNgezi, chiShona nechiZulu. Kusvikira zvinhu izvi zvava kuwanikwa uye zvatumirwa, zvichaoneka painivhoisi yeungano zvakanzi “Zvakamirirwa.” Mabhuku anonzi Kunzvera Magwaro uye Makarenda zvinhu zveodha chaiyo. Ungano dzinofanirawo kuodha makadhi eAdvance Medical Directive/Release uyewo maIdentity Card evana veZvapupu zvakabhabhatidzwa.
◼ Dzimwe ungano hadzisati dzadzosa Mushumo Wokukamuranisa Ungano (S-10) wadzo kuSosaiti. Mutariri weungano mumwe nemumwe anofanira kutaura nemunyori kuti vaone kana fomu iri rakatumirwa. Kana risina, anofanira kuva nechokwadi chokuti izvi zvaitwa nokukurumidza.
Fomu reS-10 risati ratumirwa, rinofanira kuongororwa kuti rakarurama. Tinogamuchira mafomu akawanda ane mashoko asina kururama uye aya anofanira kudzorerwa kuungano kuti aruramiswe. Izvi zvinogona kudziviswa kana fomu racho raongororwa risati ratumirwa kuhofisi yedu.