Remekedzai Zvikuru Zita Rakaisvonaka raJehovha
1 Satani akazvidza zita raMwari paakanyengera vabereki vedu vokutanga kuita chivi. Dhiyabhorosi akataura zvisiri pachena kuti Jehovha aiva anyepera Adhama. (Gen. 3:1-5) Sezvo zita raMwari richibatana nekukwanisa kwaMwari kuzadzika shoko rake, kutaura kwaSatani kwaiva kuchera kwakaipisisa. Jehovha akabvisa kuzvidzwa kwezita rake ndokuriita rakaisvonaka kuburikidza nokuzadzika chinangwa chake zvishoma nezvishoma.—Isa. 63:12-14.
2 Tiri vanhu avo Jehovha ‘akadana nezita rake.’ (Mabasa 15:14, 17) Izvi zvinotipa mukana wekuratidza manzwire atinoita nezvekutsveneswa kwaro. Tinoona kuti zita raJehovha rakaisvonaka zvechokwadi, sezvarinomirira zvinhu zvose zvakanaka, zvine mutsa, zvine rudo, zvine tsitsi, uye zvakarurama. Tinozadzwa nokutya kukura kwakaita zita raMwari rine mbiri. (Pis. 8:1; 99:3; 148:13) Tinofanira kunzwa kuda kuita sei?
3 Tsvenesai Zita raMwari: Zita raMwari harigoni kuitwa dzvene kupfuura zvarinotova. Asi tinogona kuratidza kuti tinoremekedza zita raMwari zvikuru chaizvo nomufambiro wedu wakachena nekuparidza Umambo. Ngatidanidzirei kuti: “Ongai Jehovha, paridzai zita rake, zivisai mabasa ake pakati pavanhu, muudze vanhu kuti zita rake rinokudziwa.” (Isa. 12:4) Tingazviita sei?
4 Tinogona kushandisa mikana yose yokuzivisa zita raJehovha uye zvose zvarinomirira. Kunyange nenzira yakarongwa kana isina kurongwa, paimba neimba kana kuti pachitoro nechitoro, mumugwagwa kana kuti parunhare, basa redu rokuparidza rinokudza Jehovha. Patinowana vanofarira avo vanoteerera, tinofanira kunyatsorangana navo kuti tichadzoka ndokuvadzidzisa zvakawanda nezvaJehovha. Izvi zvinoreva kuti hatitombofaniri kukanganwa kurangana ikoko uye toramba tichiedza kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Zvinofadza kuti gore negore mazana ezviuru ari kusvika pakuziva, kuremekedza, uye kutsvenesa zita rakaisvonaka raJehovha.
5 Kuita kwedu nemwoyo wose basa rokutsvenesa zita raMwari kunonyatsoratidza patiri panhau yakamutswa naSatani muEdheni. Iri ndiro basa rakanakisisa, rinokudzwa ratingaita. Ngatiremekedzei zvikuru nokurumbidza zita rakaisvonaka raJehovha tichishingaira!—1 Mak. 29:13.