Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringagoverwa ne$6: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here? September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. October: Kuzvinyoresa kugamuchira Nharireyomurindi neMukai! ($120 gore rimwe; $60 mwedzi mitanhatu). Uko fariro inowanikwa pashanyo dzedzokerero, edzai kutanga fundo yeBhaibheri yapamusha muchishandisa bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo.
◼ Kutanga muna September, vatariri vematunhu vachapa hurukuro yavose ine musoro unoti “Jehovha ‘Inhare Yakasimba’ Nokuda Kwevanhu Vake.”
◼ Tinokurudzira vose kupinza mishumo yebasa romumunda nokukurumidza panopera mwedzi mumwe nomumwe. Kana ukatadza kupinza mushumo kupera kwemwedzi, tapota usausanganisa newemwedzi unotevera. Asi nyora mushumo wacho pamasiripi akasiyana, uchiratidza kuti mushumo mumwe nemumwe ndewemwedzi upi.
◼ Mutariri Anotungamirira: Tapota onai kuti hazvina basa kuti mumirire chiziviso chegungano kana kuti chekokorodzano kuti muhwirudzure mibvunzo yerubhabhatidzo neavo vanoda kubhabhatidzwa. Izvi zvinoreva kuti kana vakuru vachiona kuti mudzidzi achiri kuda kushandira dzimwe nhau dzakati, panenge pachine nguva gungano rinotevera kana kuti kokorodzano isati yasvika kuti mudzidzi agadzirise zvinodikanwa.