RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/98 p. 3
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 10/98 p. 3

Zviziviso

◼ Mabhuku achagoverwa muna October: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi neMukai! November: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. January: Chero bhuku ripi zvaro rine mapeji 192 rakabudiswa 1985 asati asvika iro ungano ingava naro mudura. Ungano dzisina mabhuku akadaro dzingagovera Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei? kana kuti Unogona Kurarama Nokusingaperi Muparadhiso Pasi Pano.

◼ Kana nguva dzemisangano yeungano yenyu dzichizochinja pana 1 January, pangafanira kuodwa mahendibhiri matsva kuti muratidze nguva itsva dzemisangano.

◼ Ungano dzinofanira kutanga kukumbira Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva—1999 nefomu radzo rekuodha mabhuku raOctober. Mabhuku maduku acho achawanika muChichewa, chiNgezi, chiShona, uye Zulu. Kusvikira mabhuku maduku aya ava kuwanika uye atumirwa, achaoneka pamainivhoisi eungano se“Akamirirwa.” Mabhuku maduku aKunzvera Magwaro Zuva Nezuva zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Ungano dzinofanirawo kutanga kuodha Karenda ya1999 yeZvapupu zvaJehovha nefomu radzo rokuodha mabhuku rinotevera. Makarenda acho achawanika muchiNgezi, chiShona, uye Zulu. Izvi zvinhu zveodha chaiyo. Ungano dzingada kuita kuti vaparidzi vafanobhadhara mari yemakarenda. Izvi zvinobetsera kudzivisa kuva nezvinhu zveodha chaiyo zvinoramba zvisina kutorwa mukamuri remabhuku.

◼ Makadhi eAdvance Medical Directive/Release evaparidzi vakabhabhatidzwa uye maIdentity Card evana veZvapupu anodiwa anofanira kuodwa nefomu renyu rokuodha mabhuku rinotevera. Izvi zvichaita kuti ungano dzigone kuva nezvinhu izvi nenguva panotanga gore idzva. Vaparidzi vose vanofanira kuva nechokwadi chokuti vanotakura kadhi rinowirirana nemusi. Uyezve, kadhi racho harishandi kune akaritakura, kutoti rakazadzwa zvakarurama, rakasayinwa nokupupurirwa.

◼ Sosaiti ingada kuyeuchidza matare okutonga kuti munhau dzokudzinga havafaniri kutumira mafomu ose maviri eS-77 kuhofisi yedu. Kopi imwe chete bedzi ndiyo inotumirwa kuSosaiti. Imwe kopi yacho inofanira kuchengetwa mumafaira eungano anochengeterwa zvinhu zvakavanzika.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe