Takabetserwa neKokorodzano dze“Nzira yaMwari Youpenyu”
1 Mwedzi mishomanene bedzi yapfuura, takanga tichironga kupinda Kokorodzano Dzoruwa neDzamarudzi Akawanda dza1998 dze“Nzira yaMwari Youpenyu.” Zvino dzava zvinhu zvinokosha zvokuyeuka munhau yeubati ushe hwaMwari yesangano. Takanyatsonakirwa nezvokudya zvomudzimu zvakawanda zvatakawana pamagungano iwayo akasiyana nemamwe.
2 Kuvapo kwemakokorodzano emarudzi akawanda kwakaita kuti kokorodzano dzegore rino dzinakidze zvokuti. Kana vafundisi nedzimwe nhume dzinobva kunyika dzokumwe vaivako kwatakapindira kana kuti kwete, tose zvedu takanzwa zvakaitika zvakaisvonaka pachikamu chamasikati chomusi weChishanu chaiva nomusoro unoti “Basa Mundima Youfundisi.” “Mishumo Yokufambira Mberi Kwebasa Rekukohwa” yezuva nezuva yakabva munyika yose yaikurudzira zvikuru.
3 Mabhuku Matsva Akaisvonaka Akabudiswa: Hurukuro yokupedzisira musi weChishanu yakapindura mubvunzo wakabvunzwa nevanhu vasingaverengeki vasingazivi chokwadi wokuti: “Kune Upenyu Pashure Porufu Here?” Hurukuro iyoyo inofadza zvikuru yakaguma nokubudiswa kwebhurocha idzva, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa? Pasina mubvunzo kusvika panguva ino takarirava uye tinogona kuona kuti richava rakakosha sei pakubetsera vanhu kuona chokwadi nezvemugariro wevakafa uye pakunyaradza vakafirwa netariro yorumuko.
4 Purogiramu yomusi weMugovera masikati yakaguma nehurukuro inoti “Musiki—Unhu Hwake Nenzira Dzake.” Nenzira ine nhevedzano yakatiita kuti tidavire kuti kunofanira kuva noMusiki. Kutiyamura kubetsera vamwe kunzwisisa izvozvi, bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? rakabudiswa. Nepo richivandudza kutenda kwedu muna Jehovha nokunzwisisa kwedu unhu hwake nenzira, bhuku racho rakanyanyogadzirirwa vaya vangasadavira Mwari, kunyange zvazvo vakadzidza zvikuru munhau dzenyika.
5 Chisarudzo Chomwoyo Wose: Hurukuro yokupedzisira yekokorodzano yacho yakasimbisa kukosha kwokuti tose zvedu ti“Ramb[e] [Ti]chifamba Munzira yaJehovha.” Zvakanga zvakakodzera sei kuti tizivise zvichayeukwa nomunhu wose chisarudzo chedu chokutsunga kwedu somunhu oga oga kunamatira nguva dzose, kutsigira, uye kukurudzira nzira yaMwari youpenyu seyakanakisisa kupfuura dzose! (Isa. 30:21) Zvino tinofanira kutsunga kurarama maererano nezvisarudzo izvi. Kusimudzirwa kwomudzimu kwakaisvonaka zvakadini kwatakawana kupfurikidza nokupinda Kokorodzano ye“Nzira yaMwari Youpenyu”!