Kupupura Nomufambiro Wakanaka
1 Munzanga yanhasi yamadiro, vanhu vaduku vakawanda nenzira yokusaitira hanya vanoparadza upenyu hwavo nemirimo, unzenza, kupandukira, uye masimba masimba. Nenzira yakapesana, mufambiro womuenzaniso wavanhu vaduku vakanaka vari muungano yechiKristu unozorodza kuona uye chokwadi chinhu chakaisvonaka kuna Jehovha. Unobatira souchapupu hwakasimba hungakwevera vamwe kuchokwadi.—1 Pet. 2:12.
2 Zvakaitika zvakawanda zvinoratidza kuti mufambiro wakanaka wepwere dzechiKristu wakava netapuro yakanaka pavacherekedzi. Achitaura nezveChapupu chiduku chakanga chiri mudzidzi wake, mumwe mudzidzisi wapachikoro akataurira kirasi yose kuti Mwari womusikana uyu, Jehovha, ndiye Mwari wechokwadi. Akataura izvi nokuti mufambiro womusikana wacho nguva dzose unoremekedzwa. Mumwe mudzidzisi akanyorera Sosaiti, achiti: “Ndingada kukurumbidzai nokuda kwavanhu vaduku vakaisvonaka vamunavo murudzidziso rwenyu. . . . Pwere dzenyu muenzaniso chaizvoizvo. Dzinoremekedza vakuru vadzo, dzakapfava, uye dzinopfeka zvine mwero. Uye dzinoziva maBhaibheri adzo sei! Ndirwo rudzidziso zvechokwadi!”
3 Mumwe mudzidzisi wapachikoro akaororwa nomufambiro wakaisvonaka weChapupu chine makore manomwe chiri mukirasi yake. Akakweverwa kuunhu hunyoro nohunofadza hwomukomana wacho, hwakamuita akatanhamara mukupesana zvakasimba navamwe vakomana. Akaororwa nomurangariro wake wapachokwadi kuzvitendero zvake zvorudzidziso—haana kunyadziswa nokuva akasiyana nemhaka yezvaaidavira. Aigona kuona kuti hana yake yakanga yarovedzwa uye kuti akanga achikwanisa “kuzivisisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaH. 5:14) Pakupedzisira, amai vomukomana wacho vakashanyira mudzidzisi wacho, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa. Pashure penguva yakati, mudzidzisi wacho akabhabhatidzwa uye gare gare akava piyona wenguva dzose!
4 Rimwe jaya rakapesvedzerwa nomufambiro wakanaka wechimwe Chapupu chaiva muchikoro chake. Akanga akasiyana zvapachokwadi—akapfava zvikuru, achifunda zvikuru, uye nguva dzose ane mwero muzvipfeko zvake; uyewo, mukusiyana navamwe vasikana, haana kutongoita kutamba kworudo navakomana. Aigona kuona kuti akanga ari kurarama maererano nenheyo dzeBhaibheri. Jaya racho rakamubvunza mibvunzo yezvezvitendero zvake zvorudzidziso uye akaororwa nezvaakadzidza. Akatanga kufunda, akabhabhatidzwa nokukurumidza, uye pakupedzisira akagoverana muushumiri hwoupiyona uye mubasa rapaBheteri.
5 Kana uri muKristu muduku anoshuva kupa uchapupu hwakaisvonaka kuvamwe, chenjerera mufambiro wako munzira yose. Usatongorega kungwarira kupfurikidza nokuva anonzwira tsitsi mirangariro yenyika yamadiro, mifungo, kana kuti mararamiro. Gadza muenzaniso wakakwirira mukutaura kwako, mupfekero, uye rutsvindo, kwete bedzi apo unenge uchitora rutivi muushumiri hwomumunda napamisangano yeungano asiwo apo unenge uri kuchikoro napaunoita nhandaro. (1 Tim. 4:12) Uchava nomufaro chaiwoiwo apo mumwe munhu anofarira chokwadi nemhaka yokuti wanga uchi‘ita kuti chiedza chako chipenye’ kupfurikidza nomufambiro wako wakanaka.—Mat. 5:16.